Acts 1:4-8

Pane imwe nguva, paakanga achidya navo, akavarayira achiti, “Musabva muJerusarema, asi mumirire chipo chakavimbiswa naBaba vangu, icho chamakandinzwa ndichitaura pamusoro pacho. Nokuti Johani akabhabhatidza nemvura, asi mushure mamazuva mashoma muchabhabhatidzwa noMweya Mutsvene.” Saka, vakati vaungana pamwe chete, vakamubvunza vakati, “Ishe, mava kuzodzosera ushe kuvaIsraeri panguva ino here?” Akati kwavari, “Hazvisi kwamuri kuti muzive nguva kana musi wakatarwa naBaba nesimba ravo pachavo. Asi muchagamuchira simba kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu; uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema, nomuJudhea mose, nomuSamaria, kusvikira kumigumo yenyika.”
Mabasa 1:4-8