Pavakamutuka, haana kudzorera; paakatambudzika, haana kutyisidzira. Asi, akazviisa kuna iye anotonga nokururama. Iye pachake akatakura zvivi zvedu mumuviri wake pamuti, kuitira kuti isu tife kuzvivi tigorarama zvakarurama; namavanga ake imi makaporeswa.