1 John 3:18-22

Vana vanodikanwa, ngatiregerei kuda namashoko kana norurimi, asi namabasa uye nechokwadi. Zvino, ndiwo maziviro edu kuti tiri vechokwadi, uye kuti mwoyo yedu inozorora sei pamberi pake pose patinopiwa mhosva nemwoyo yedu. Nokuti Mwari mukuru kupfuura mwoyo yedu, uye anoziva zvinhu zvose. Shamwari dzinodikanwa, kana mwoyo yedu isingatipi mhosva, tinako kuvimba pamberi paMwari uye tinogamuchira kubva kwaari zvose zvatinokumbira, nokuti tinoteerera mirayiro yake uye tinoita zvinomufadza.
1 Johani 3:18-22