Aporosi chiiko? Uye Pauro chiiko? Varanda bedzi; vamakatenda kubudikidza navo mumwe nomumwe sezvaakapiwa naShe. Ini ndakasima, Aporosi akadiridza, asi Mwari ndiye akameresa. Saka naizvozvo anosima kana anodiridza haazi chinhu, asi Mwari chete, iye anomeresa zvinhu.