Asi sezvazvakanyorwa zvichinzi:
“Hakuna ziso rakaona,
hakuna nzeve yakanzwa;
hakuna zvakapinda mumurangariro womunhu,
zvakagadzirirwa naMwari vaya vanomuda.”
Asi Mwari akazviratidza kwatiri isu noMweya wake.
Mweya anonzvera zvinhu zvose, kunyange nezvakadzika zvaMwari.