Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvawanikwa pakutsvaga: romans 6:23

VaRoma 6:23 (BDSC)

Nokuti mubayiro wechivi ndirwo rufu, asi chipo chaMwari chokungopiwa ndihwo upenyu husingaperi muna Kristu Jesu Ishe wedu.

Jeremia 6:23 (BDSC)

Vakapakata uta nepfumo; vane utsinye uye havana ngoni. Vanonzwikwa sokutinhira kwegungwa vakatasva mabhiza avo; vari kuuya savanhu vazvigadzirira kurwa hondo kuti vakurwise, iwe Mwanasikana weZioni.”

Dhanieri 6:23 (BDSC)

Mambo akafara zvikuru akarayira kuti Dhanieri abudiswe mugomba. Uye Dhanieri akati abudiswa mugomba, hakuna vanga rakawanikwa paari, nokuti akanga avimba naMwari wake.

Mateo 6:23 (BDSC)

Asi kana maziso ako akaipa muviri wako wose uchange uzere nerima. Zvino kana chiedza chiri mauri riri rima, richange riri rima rakakura zvakadii!

Mako 6:23 (BDSC)

Uye akamuvimbisa nemhiko achiti, “Chose chauchakumbira ndichakupa chinhu ichocho, kusvikira pahafu youmambo hwangu.”

Ruka 6:23 (BDSC)

“Farai pazuva iro uye mupembere nomufaro, nokuti mubayiro wenyu mukuru kudenga. Ndiwo matambudzirwo akaitwa vaprofita namadzibaba avo.

Johani 6:23 (BDSC)

Ipapo mamwe magwa aibva kuTibheriasi akasvika pedyo nenzvimbo yakanga yadyirwa chingwa navanhu shure kwokuvonga kwaShe.

VaEfeso 6:23 (BDSC)

Rugare kuhama, norudo nokutenda zvinobva kuna Mwari Baba naIshe Jesu Kristu.

Ekisodho 6:23 (BDSC)

Aroni akawana Erishebha mwanasikana waAminadhabhi nehanzvadzi yaNashoni, uye akamuberekera Nadhabhi naAbhihu, Ereazari naItamari.

Revhitiko 6:23 (BDSC)

Zvose zvipiriso zvezviyo zvomuprista zvichapiswa chose, hazvifaniri kudyiwa.”

Numeri 6:23 (BDSC)

“Udza Aroni navanakomana vake uti, ‘Munofanira kuropafadza vaIsraeri nomutoo uyu. Muti kwavari:

Dhuteronomi 6:23 (BDSC)

Asi akatibudisamo kuti atipinze nokutipa nyika yaakavimbisa nemhiko kumadzibaba edu.

Joshua 6:23 (BDSC)

Naizvozvo majaya akanga asora akapindamo akabudisa Rahabhi, baba vake namai vake nehanzvadzi dzake navose vokwake. Vakabudisa mhuri yose vakavaisa kunze kwomusasa weIsraeri.

Vatongi 6:23 (BDSC)

Asi Jehovha akati kwaari, “Rugare! Usatya. Hausi kuzofa.”

Jobho 6:23 (BDSC)

ndirwirei muruoko rwomuvengi, ndidzikinurei mumaoko avanhu vano utsinye’ here?

Zvirevo 6:23 (BDSC)

Nokuti mirayiro iyi ndiyo mwenje kwauri, dzidziso iyi ndiyo chiedza, uye kudzora kwokurayira ndiko nzira youpenyu,

2 Samueri 6:23 (BDSC)

Uye Mikari mwanasikana waSauro haana kubereka vana kusvikira pazuva rokufa kwake.

1 Madzimambo 6:23 (BDSC)

Akaita makerubhi maviri omuti womuorivhi, rimwe nerimwe rakareba makubhiti gumi , munzvimbo tsvene yomukati.

2 Madzimambo 6:23 (BDSC)

Naizvozvo akavagadzirira mabiko makuru, uye vakati vapedza kudya nokunwa akavaendesa, ivo vakadzokera kuna tenzi wavo. Naizvozvo mapoka avapambi vokuAramu akarega zvokupamba nyika yeIsraeri.

1 Makoronike 6:23 (BDSC)

Erikana mwanakomana wake, naEbhiasafi mwanakomana wake, Asiri mwanakomana wake,

2 Makoronike 6:23 (BDSC)

ipapo inzwai muri kudenga uye mugoita chimwe chinhu. Tongai pakati pavaranda venyu, muchimuripisa ane mhosva nokuburutsa pamusoro wake izvo zvaakaita. Ratidzai pachena uyo asina mhosva kuti haana zvaakatadza uye musimbise kusatadza kwake.

Isaya 23:6 (BDSC)

Yambukirai kuTashishi; ungudzai, imi vanhu vagere pachiwi.

Jeremia 23:6 (BDSC)

Pamazuva ake Judha achaponeswa uye Israeri achagara norugare. Zita rake raachatumidzwa ndirori rokuti: Jehovha Ndiye Kururama Kwedu.

Ezekieri 23:6 (BDSC)

vakanga vakapfeka nguo dzebhuruu, vabati navatungamiri vehondo, vakanga vari majaya akanaka chose, uye vari vatasvi vamabhiza.

Mateo 23:6 (BDSC)

Vanoda zvigaro zvapamberi pamitambo nezvigaro zvapamusoro-soro mumasinagoge.