Zvawanikwa pakutsvaga: psalm 32:8
Isaya 32:8 (BDSC)
Asi munhu anokudzwa anoita urongwa hwakanaka, uye namabasa anokudzwa.
Jeremia 32:8 (BDSC)
“Ipapo, sokutaura kwakanga kwaita Jehovha, sekuru wangu Hanameri akauya kwandiri ndiri muruvazhe rwavarindi akati, ‘Tenga munda wangu uri paAnatoti munyika yeBhenjamini. Chizvitengera iwe kuti uve wako sezvo uriwe une kodzero yokuudzikinura.’ “Ndakazviziva kuti iri raiva shoko raJehovha;
Ezekieri 32:8 (BDSC)
Zviedza zvose zvinopenya zvedenga ndichazvidzima pamusoro pako; ndichauyisa rima pamusoro penyika yako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Genesisi 32:8 (BDSC)
Akafunga akati, “Kana Esau akasvika akaparadza rimwe boka, boka rasara ringapunyuka.”
Ekisodho 32:8 (BDSC)
Vakurumidza kutsauka pane zvandakavarayira uye vakazviitira chifananidzo chakavezwa muchimiro chemhuru. Vapfugamira pachiri uye vakabayira kwachiri uye vakati, ‘Ava ndivo vamwari venyu, imi vaIsraeri, vakakubudisai kubva muIjipiti.’ ”
Numeri 32:8 (BDSC)
Izvi ndizvo zvakaitwa namadzibaba enyu pandakavatuma kubva paKadheshi Bharinea kuti vandosora nyika.
Dhuteronomi 32:8 (BDSC)
Wokumusoro-soro paakapa ndudzi nhaka, nguva yaakakamura marudzi ose, akaisira vanhu miganhu, zvichienderana nouwandu hwavanakomana veIsraeri.
Jobho 32:8 (BDSC)
Asi ndiwo mweya uri mumunhu, kufema kwaWamasimba Ose, kunomupa kunzwisisa.
Mapisarema 32:8 (BDSC)
Ndichakurairidza uye ndichakudzidzisa nzira yaunofanira kufamba nayo; ndichakupa zano uye ndichakurinda.
2 Makoronike 32:8 (BDSC)
Iye ane ruoko rwenyama chete, asi isu tina Jehovha Mwari wedu kuti atibatsire uye anotirwira hondo dzedu.” Vanhu vakawana kusimbisiswa nokushinga kubva pane zvakanga zvataurwa naHezekia mambo weJudha.
Mateo 8:32 (BDSC)
Akati kwaari, “Endai!” Ipapo akabuda akandopinda munguruve, uye boka rose rakamhanya richidzika kumawere amahombekombe rikasvikowira mugungwa dzichibva dzafira mumvura.
Mako 8:32 (BDSC)
Akataura pachena pamusoro pazvo, uye Petro akaenda naye parutivi akatanga kumutsiura.
Ruka 8:32 (BDSC)
Pakanga pane boka guru renguruve raifura mujinga mechikomo. Madhimoni akakumbirisa Jesu kuti aabvumire kupinda madziri, akaatendera.
Johani 8:32 (BDSC)
Ipapo muchaziva zvokwadi, uye zvokwadi ichakusunungurai.”
Mabasa 8:32 (BDSC)
Muyunaki uyu aiverenga chitsauko ichi choRugwaro: “Akatungamirirwa segwai raindobayiwa, uye segwayana rinyerere pamberi pomuveuri, saka haana kushamisa muromo wake.
VaRoma 8:32 (BDSC)
Iye asina kuramba noMwanakomana wake, asi akamupa chose nokuda kwedu tose, angarega seiko kutipawo zvose, pamwe chete naye?
Ekisodho 8:32 (BDSC)
Asi panguva inozve, Faro akaomesa mwoyo wake uye akaramba kutendera vanhu kuti vaende.
Revhitiko 8:32 (BDSC)
Ipapo mugopisa zvose zvasara panyama nechingwa.
Joshua 8:32 (BDSC)
Zvino ipapo, pamberi pavaIsraeri, Joshua akanyorazve pamabwe murayiro waMozisi, waakanga ambonyora.
Vatongi 8:32 (BDSC)
Gidheoni mwanakomana waJoashi akafa akwegura zvikuru uye akavigwa muguva rababa vake Joashi muOfira ravaAbhiezeri.
Ezira 8:32 (BDSC)
Saka takasvika muJerusarema tikazororamo kwamazuva matatu.
Zvirevo 8:32 (BDSC)
“Saka zvino, vanakomana vangu, teererai kwandiri; vakaropafadzwa avo vanochengeta nzira dzangu.
1 Madzimambo 8:32 (BDSC)
ipapo inzwai muri kudenga uye muwane zvamunoita. Tongai pakati pavaranda venyu, mupe mhosva kumutadzi nokuisa pamusoro wake iye zvaanenge aita. Mururamisire akarurama nokumupa zvakafanira kururama kwake.
1 Makoronike 8:32 (BDSC)
uye Mikiroti, uyo aiva baba vaShimea. Ivo vaigarawo pedyo nehama dzavo muJerusarema.
Mapisarema 132:8 (BDSC)
haiwa Jehovha, simukai muuye kunzvimbo yenyu yokuzorora, imi neareka yesimba renyu.