Zvawanikwa pakutsvaga: psalm 27:8
Isaya 27:8 (BDSC)
Muhondo makarwa naye mukamudzinga, nokurwisa kwake kunotyisa akamudzinga, sezvinoitika pazuva rinovhuvhuta mhepo yokumabvazuva.
Jeremia 27:8 (BDSC)
“ ‘ “Kunyange zvakadaro, kana rudzi rupi norupi kana ushe hupi nohupi hukasazoshandira Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi kana hukazoisa mutsipa warwo pasi pejoko rake, ndicharanga rudzi urwo nomunondo, nenzara uye nedenda, kusvikira ndarupedza noruoko rwake, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Ezekieri 27:8 (BDSC)
Varume veSidhoni neArivhadhi ndivo vakanga vari vakwasvi vako; mhizha dzako, iwe Tire dzakanga dzirimo savafambisi vako vechikepe.
Mateo 27:8 (BDSC)
Naizvozvo wakanzi Munda Weropa kusvikira zuva ranhasi.
Mabasa 27:8 (BDSC)
Takafamba nokumahombekombe tichitambudzika tikasvika panzvimbo yainzi Zororo Rakanaka, pedyo neguta reRasea.
Genesisi 27:8 (BDSC)
Zvino, chinzwa mwanakomana wangu, nyatsoteerera uye uite zvandinokuudza.
Ekisodho 27:8 (BDSC)
Uite aritari namapuranga, isina chinhu mukati mayo. Inofanira kugadzirwa sokuratidzwa kwawakaitwa pagomo.
Revhitiko 27:8 (BDSC)
Kana munhu wose anenge achiita mhiko ari murombo zvikuru zvokutotadza kuripa muripo wakatarwa, anofanira kuuya nomunhu uyu kumuprista, achatara mutengo wake zvichienderana nezvinokwaniswa nomunhu ari kuita mhiko.
Numeri 27:8 (BDSC)
“Uti kuvaIsraeri, ‘Kana murume akafa akasasiya mwanakomana, munofanira kudzorera nhaka yake kumwanasikana wake.
Dhuteronomi 27:8 (BDSC)
Uye munofanira kunyora mashoko aya ose omurayiro pamabwe amakamisa aya zvinonyatsoonekwa.”
Jobho 27:8 (BDSC)
Ko, munhu asina Mwari ane tariro yeiko kana afa, Mwari paanotora upenyu hwake?
Mapisarema 27:8 (BDSC)
Mwoyo wangu unoti kwandiri, “Tsvaka chiso chake!” Chiso chenyu, Jehovha, ndichachitsvaka.
Zvirevo 27:8 (BDSC)
Seshiri inorasika kubva padendere rayo, ndizvo zvakaita munhu anorasika kubva pamusha wake.
1 Samueri 27:8 (BDSC)
Zvino Dhavhidhi navanhu vake vakaenda vakandopamba vaGeshuri, vaGeziri, navaAmareki. (Kubva kare vanhu ava vakanga vachigara munyika yaisvika kuShuri neIjipiti.)
1 Makoronike 27:8 (BDSC)
Wechishanu pamwedzi wechishanu, aiva mutungamiri Shamihuti muIzirahi. Muboka rake maiva navarume zviuru makumi maviri nezvina.
2 Makoronike 27:8 (BDSC)
Aiva namakore makumi maviri namashanu paakava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore gumi namatanhatu.
Dhanieri 8:27 (BDSC)
Ini, Dhanieri, ndakapera simba ndikarwara kwamazuva mazhinji. Ipapo ndakamuka hangu ndikandobata basa ramambo. Ndakatyiswa nechiratidzo; chakanga chisinganzwisisike.
Mateo 8:27 (BDSC)
Varume ava vakashamiswa uye vakabvunza vachiti, “Munhu akaita seiko uyu? Kunyange mhepo namafungu zvinomuteerera!”
Mako 8:27 (BDSC)
Jesu navadzidzi vake vakapfuurira kumisha yakapoteredza Kesaria Firipi. Vari munzira akavabvunza achiti, “Vanhu vanoti ndini aniko?”
Ruka 8:27 (BDSC)
Jesu akati ayambuka gungwa, akasangana nomurume akanga akabatwa nedhimoni achibva muguta. Murume uyu akanga asingapfeki nguo kwenguva refu kana kugara mumba, asi aigara kumakuva.
Johani 8:27 (BDSC)
Havana kunzwisisa kuti akanga achivaudza nezvaBaba.
Mabasa 8:27 (BDSC)
Saka akasimuka akapinda munzira uye akasangana nomuyunaki wechiEtiopia, muchinda mukuru aichengeta pfuma yaKandase, mambokadzi weEtiopia. Murume uyu akanga aenda kundonamata kuJerusarema,
VaRoma 8:27 (BDSC)
Uye iye anonzvera mwoyo yedu anoziva kufunga kwaMweya, nokuti Mweya anonyengeterera vatsvene maererano nokuda kwaMwari.
Ekisodho 8:27 (BDSC)
Tinofanira kufamba rwendo rwamazuva matatu kuti tinobayira kuna Jehovha Mwari wedu murenje, sezvaakatirayira.”
Revhitiko 8:27 (BDSC)
Akaisa zvose mumaoko aAroni neevanakomana vake uye vakazvininira kuna Jehovha sechipiriso chokuninira.