Zvawanikwa pakutsvaga: exodus 3:1
1 Johani 3:18 (BDSC)
Vana vanodikanwa, ngatiregerei kuda namashoko kana norurimi, asi namabasa uye nechokwadi.
1 VaKorinde 3:1 (BDSC)
Hama, ndakanga ndisingagoni kutaura nemi savanhu vomweya asi savanhu venyama, vacheche zvavo muna Kristu.
1 VaKorinde 3:10 (BDSC)
Nenyasha dzandakapiwa naMwari, ndakaronga nheyo somuvaki akachenjera, uye mumwewo ari kuvaka pamusoro payo. Asi mumwe nomumwe ngaachenjere kuti anovaka sei pamusoro payo.
1 VaKorinde 3:11 (BDSC)
Nokuti hakuna mumwe angaronga dzimwe nheyo kunze kwaiyo yakarongwa kare, inova ndiyo Jesu Kristu.
1 VaKorinde 3:12 (BDSC)
Zvino kana munhu achivaka panheyo iyi achishandisa goridhe, kana sirivha kana mabwe anokosha, kana matanda, kana uswa, kana mashanga,
1 VaKorinde 3:13 (BDSC)
basa rake richaonekwa kuti rakaitwa nei, nokuti Zuva iro richazvibudisa pachena. Richaratidzwa nomoto, uye moto uchaedza basa romumwe nomumwe.
1 VaKorinde 3:14 (BDSC)
Kana zvaakavaka zvikagara, iye achagamuchira mubayiro wake.
1 VaKorinde 3:15 (BDSC)
Kana zvikapiswa, iye acharasikirwa: asi iye pachake achaponeswa: asi souya abuda mumoto.
1 VaKorinde 3:16 (BDSC)
Ko, hamuzivi here kuti muri temberi yaMwari uye kuti Mweya waMwari anogara mamuri?
1 VaKorinde 3:17 (BDSC)
Kana munhu achiparadza temberi yaMwari, Mwari achamuparadza; nokuti temberi yaMwari itsvene, ndimi temberi yacho.
1 VaKorinde 3:18 (BDSC)
Musazvinyengera. Kana mumwe wenyu achizviti akachenjera namaonero enyika ino, ngaave “benzi” kuti ave akachenjera.
1 VaKorinde 3:19 (BDSC)
Nokuti uchenjeri hwenyika ino upenzi pamberi paMwari. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Anobata vakachenjera pamano avo,”
1 VaTesaronika 3:1 (BDSC)
Saka patakanga tisingagoni kuramba takatsunga, takafunga kuti zvaiva nani kuti tisare toga paAtene.
1 VaTesaronika 3:10 (BDSC)
Usiku namasikati tinonyengetera zvikuru kuti tikuoneizve uye kuti tizadzise zvamusina pakutenda kwenyu.
1 VaTesaronika 3:11 (BDSC)
Zvino Mwari wedu, Baba pachavo naIshe wedu Jesu ngavatizarurire nzira kuti tiuye kwamuri.
1 VaTesaronika 3:12 (BDSC)
Ishe ngaakurise rudo rwenyu uye rupfachukire kuno mumwe nomumwe nokuvanhu vose, sezvinoita rwedu kwamuri.
1 VaTesaronika 3:13 (BDSC)
Ngaasimbise mwoyo yenyu kuitira kuti mushayiwe chamunopomerwa uye muve vatsvene pamberi paMwari wedu naBaba vedu, pakuuya kwaIshe wedu Jesu navatsvene vake vose.
1 Timoti 3:1 (BDSC)
Herino shoko rechokwadi: kana munhu achitsvaka basa romutariri, anoda basa rinokudzika.
1 Timoti 3:10 (BDSC)
Vanofanira kutanga vaedzwa, uye kana pasina chavangapomerwa, ngavashumire samadhikoni.
1 Timoti 3:11 (BDSC)
Nenzira imwe cheteyo, vakadzi vavo ngavave vanokudzwa, vasingacheri vamwe asi vanozvidzora, vakatendeka pazvinhu zvose.
1 Timoti 3:12 (BDSC)
Mudhikoni anofanira kuva murume ano mukadzi mumwe chete uye anofanira kugona kubata vana vake nemba yake zvakanaka.
1 Timoti 3:13 (BDSC)
Vaya vakashumira zvakanaka vanozviwanira zita rakanaka uye nokusimbiswa kukuru pakutenda kwavo muna Kristu Jesu.
1 Timoti 3:14 (BDSC)
Kunyange zvazvo ndine tariro yokuuya kwauri nokukurumidza, ndinokunyorera dzidziso idzi kuitira kuti,
1 Timoti 3:15 (BDSC)
kana ndikanonoka, uchaziva kuti vanhu vanofanira kuzvibata sei mumba maMwari, inova kereke yaMwari mupenyu, mbiru nenheyo yechokwadi.
1 Timoti 3:16 (BDSC)
Pasina kana mubvunzo, chakavanzika choumwari chikuru kwazvo: Iye akaratidzwa panyama, akaruramiswa noMweya, akaonekwa navatumwa, akaparidzwa pakati pendudzi panyika vakatenda kwaari, akakwidzwa mukubwinya.