Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvawanikwa pakutsvaga: exodus 3:1

1 Johani 3:18 (BDSC)

Vana vanodikanwa, ngatiregerei kuda namashoko kana norurimi, asi namabasa uye nechokwadi.

1 VaKorinde 3:1 (BDSC)

Hama, ndakanga ndisingagoni kutaura nemi savanhu vomweya asi savanhu venyama, vacheche zvavo muna Kristu.

1 VaKorinde 3:10 (BDSC)

Nenyasha dzandakapiwa naMwari, ndakaronga nheyo somuvaki akachenjera, uye mumwewo ari kuvaka pamusoro payo. Asi mumwe nomumwe ngaachenjere kuti anovaka sei pamusoro payo.

1 VaKorinde 3:11 (BDSC)

Nokuti hakuna mumwe angaronga dzimwe nheyo kunze kwaiyo yakarongwa kare, inova ndiyo Jesu Kristu.

1 VaKorinde 3:12 (BDSC)

Zvino kana munhu achivaka panheyo iyi achishandisa goridhe, kana sirivha kana mabwe anokosha, kana matanda, kana uswa, kana mashanga,

1 VaKorinde 3:13 (BDSC)

basa rake richaonekwa kuti rakaitwa nei, nokuti Zuva iro richazvibudisa pachena. Richaratidzwa nomoto, uye moto uchaedza basa romumwe nomumwe.

1 VaKorinde 3:14 (BDSC)

Kana zvaakavaka zvikagara, iye achagamuchira mubayiro wake.

1 VaKorinde 3:15 (BDSC)

Kana zvikapiswa, iye acharasikirwa: asi iye pachake achaponeswa: asi souya abuda mumoto.

1 VaKorinde 3:16 (BDSC)

Ko, hamuzivi here kuti muri temberi yaMwari uye kuti Mweya waMwari anogara mamuri?

1 VaKorinde 3:17 (BDSC)

Kana munhu achiparadza temberi yaMwari, Mwari achamuparadza; nokuti temberi yaMwari itsvene, ndimi temberi yacho.

1 VaKorinde 3:18 (BDSC)

Musazvinyengera. Kana mumwe wenyu achizviti akachenjera namaonero enyika ino, ngaave “benzi” kuti ave akachenjera.

1 VaKorinde 3:19 (BDSC)

Nokuti uchenjeri hwenyika ino upenzi pamberi paMwari. Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Anobata vakachenjera pamano avo,”

1 VaTesaronika 3:1 (BDSC)

Saka patakanga tisingagoni kuramba takatsunga, takafunga kuti zvaiva nani kuti tisare toga paAtene.

1 VaTesaronika 3:10 (BDSC)

Usiku namasikati tinonyengetera zvikuru kuti tikuoneizve uye kuti tizadzise zvamusina pakutenda kwenyu.

1 VaTesaronika 3:11 (BDSC)

Zvino Mwari wedu, Baba pachavo naIshe wedu Jesu ngavatizarurire nzira kuti tiuye kwamuri.

1 VaTesaronika 3:12 (BDSC)

Ishe ngaakurise rudo rwenyu uye rupfachukire kuno mumwe nomumwe nokuvanhu vose, sezvinoita rwedu kwamuri.

1 VaTesaronika 3:13 (BDSC)

Ngaasimbise mwoyo yenyu kuitira kuti mushayiwe chamunopomerwa uye muve vatsvene pamberi paMwari wedu naBaba vedu, pakuuya kwaIshe wedu Jesu navatsvene vake vose.

1 Timoti 3:1 (BDSC)

Herino shoko rechokwadi: kana munhu achitsvaka basa romutariri, anoda basa rinokudzika.

1 Timoti 3:10 (BDSC)

Vanofanira kutanga vaedzwa, uye kana pasina chavangapomerwa, ngavashumire samadhikoni.

1 Timoti 3:11 (BDSC)

Nenzira imwe cheteyo, vakadzi vavo ngavave vanokudzwa, vasingacheri vamwe asi vanozvidzora, vakatendeka pazvinhu zvose.

1 Timoti 3:12 (BDSC)

Mudhikoni anofanira kuva murume ano mukadzi mumwe chete uye anofanira kugona kubata vana vake nemba yake zvakanaka.

1 Timoti 3:13 (BDSC)

Vaya vakashumira zvakanaka vanozviwanira zita rakanaka uye nokusimbiswa kukuru pakutenda kwavo muna Kristu Jesu.

1 Timoti 3:14 (BDSC)

Kunyange zvazvo ndine tariro yokuuya kwauri nokukurumidza, ndinokunyorera dzidziso idzi kuitira kuti,

1 Timoti 3:15 (BDSC)

kana ndikanonoka, uchaziva kuti vanhu vanofanira kuzvibata sei mumba maMwari, inova kereke yaMwari mupenyu, mbiru nenheyo yechokwadi.

1 Timoti 3:16 (BDSC)

Pasina kana mubvunzo, chakavanzika choumwari chikuru kwazvo: Iye akaratidzwa panyama, akaruramiswa noMweya, akaonekwa navatumwa, akaparidzwa pakati pendudzi panyika vakatenda kwaari, akakwidzwa mukubwinya.