Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvawanikwa pakutsvaga: ephesians 3:20

VaEfeso 3:20 (BDSC)

Zvino iye anogona kuita zvikuru zvisingagoni kuyerwa kupfuura zvose zvatingakumbira kana kufunga, maererano nesimba rake riri kushanda mukati medu,

Muparidzi 3:20 (BDSC)

Zvose zvinoenda kunzvimbo imwe chete; zvose zvinobva kuvhu, uye kuvhu zvose zvinodzokera.

Isaya 3:20 (BDSC)

nezvishongo zvebvudzi, nezvingetani zvomuzviziso zvamakumbo, nemasikavha, namabhodhoro amafuta anonhuhwira, namazango,

Jeremia 3:20 (BDSC)

Asi sezvinoita mukadzi asina kutendeka kumurume wake, saizvozvo makanga musina kutendeka kwandiri, imi imba yaIsraeri,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Ezekieri 3:20 (BDSC)

“Zvakare, kana munhu akarurama akatsauka pakururama kwake uye akaita zvakaipa, ini ndikaisa chigumbuso pamberi pake, achafa. Sezvo usina kumuyambira, iye achafa nokuda kwechivi chake. Zvakarurama zvaakaita hazvizorangarirwi, uye iwe uchava nemhosva yeropa rake.

Dhanieri 3:20 (BDSC)

Uye akarayira vamwe vavarwi vehondo yake vakasimba kwazvo kuti vasunge Shadhireki naMeshaki naAbhedhinego vavakande mumoto uyu waipfuta kwazvo.

Joere 3:20 (BDSC)

MuJudha muchagara vanhu nokusingaperi, uye nomuJerusarema kusvikira kuzvizvarwa zvose.

Zefania 3:20 (BDSC)

Panguva iyoyo ndichakuunganidzai; panguva iyoyo ndichakuuyisai kumusha. Ndichakupai rukudzo nerumbidzo pakati pavanhu vose vapanyika, pandichadzora pfuma yenyu muchizviona nameso enyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.

Mako 3:20 (BDSC)

Ipapo Jesu akapinda mune imwe imba, uye vazhinji vakaunganazve, zvokuti iye navadzidzi vake vakanga vasingagoni kunyange kudya.

Ruka 3:20 (BDSC)

Herodhi akawedzera pazviri zvose nokuita izvi: Akapfigira Johani mutorongo.

Johani 3:20 (BDSC)

Mumwe nomumwe anoita zvakaipa anovenga chiedza, uye haapindi muchiedza nokuti anotya kuti mabasa ake angaiswa pachena.

Mabasa 3:20 (BDSC)

uye kuti atume Kristu, iye akagadzwa nokuda kwenyu, iye Jesu.

VaRoma 3:20 (BDSC)

Naizvozvo hapana achanzi akarurama pamberi pake nokuda kwokuchengeta murayiro; asi kuti, kubudikidza nomurayiro tichaziviswa chivi.

VaGaratia 3:20 (BDSC)

Kunyange zvakadaro hazvo, murevereri, haamiririri munhu mumwe chete; asi Mwari ndomumwe.

VaFiripi 3:20 (BDSC)

Asi nyika yedu iri kudenga. Uye tinomirira Muponesi anobva ikoko, iye Ishe Jesu Kristu,

VaKorose 3:20 (BDSC)

Vana, teererai vabereki venyu pazvinhu zvose, nokuti izvi zvinofadza Ishe.

Zvakazarurwa 3:20 (BDSC)

Ndiri pano! Ndimire pamusuo ndichigogodza. Kana munhu akanzwa inzwi rangu akazarura musuo, ndichapinda ndigodya naye, uye iye neni.

Genesisi 3:20 (BDSC)

Uye Adhamu akatumidza mukadzi wake kuti Evha, nokuti aizova mai vavapenyu vose.

Ekisodho 3:20 (BDSC)

Saka ndichatambanudza ruoko rwangu ndigorova vaIjipiti nezvishamiso zvose zvandichaita pakati pavo. Shure kwaizvozvo achakutenderai kuenda.

Numeri 3:20 (BDSC)

Dzimba dzavaMerari: Mari naMushi. Idzi ndidzo dzaiva dzimba dzavaRevhi maererano nemhuri dzavo.

Dhuteronomi 3:20 (BDSC)

kusvikira Jehovha apa hama dzenyu zororo sezvaakarayira kwamuri, uye naivowo vatora nyika yavanopiwa naJehovha Mwari wenyu mhiri kwaJorodhani. Shure kwaizvozvo mumwe nomumwe wenyu achadzoka kunhaka yandakakupai.”

Vatongi 3:20 (BDSC)

Ipapo Ehudhi akaswedera kwaari iye agere ari oga muimba yake yapamusoro yomuzinda wake wenguva yezhizha akati, “Ndine shoko renyu rabva kuna Mwari,” Mambo akati achisimuka achibva pachigaro chake,

Nehemia 3:20 (BDSC)

Bharuki mwanakomana waZabhai akamutevera, akagadzira chimwe chikamu nomwoyo wose kubva pakona zvichienda pamusuo weimba yaEriashibhi muprista mukuru.

Jobho 3:20 (BDSC)

“Chiedza chinopirweiko vaya vari kusurukirwa, uye upenyu kune ane shungu pamwoyo,

Zvirevo 3:20 (BDSC)

noruzivo rwake mvura dzakadzika dzakapatsanurwa, uye makore akadonhedza dova.