Zvawanikwa pakutsvaga: Romans 3:23
VaRoma 3:23 (BDSC)
nokuti vose vakatadza uye vakasasvika pakubwinya kwaMwari,
VaKorose 3:23 (BDSC)
Zvose zvamunoita, itai zvose nomwoyo wose, savanhu vanoshandira Ishe, kwete munhu,
Isaya 3:23 (BDSC)
nezvionioni, nenguo dzomucheka wakaisvonaka, nezvishongo namashaweri.
Jeremia 3:23 (BDSC)
Zvirokwazvo mheremhere youfeve iri pazvikomo, napamakomo unyengeri; zvirokwazvo muna Jehovha Mwari wedu ndimo mune ruponeso rwaIsraeri.
Ezekieri 3:23 (BDSC)
Saka ndakasimuka ndikaenda kubani. Uye kubwinya kwaJehovha kwakanga kumire ipapo, kwakaita sokubwinya kwandakamboona paRwizi rweKebhari, ndikawira pasi nechiso changu.
Dhanieri 3:23 (BDSC)
uye varume vatatu ava vakasungwa zvakasimba, vakawira mumoto unopfuta kwazvo.
Mako 3:23 (BDSC)
Saka Jesu akavadana akataura kwavari nomufananidzo achiti, “Ko, Satani angadzinga sei Satani?
Ruka 3:23 (BDSC)
Zvino Jesu pachake akanga ava namakore anenge makumi matatu paakatanga ushumiri hwake. Sokuonekwa kwazvo, akanga ari mwanakomana, mwanakomana waHeri,
Johani 3:23 (BDSC)
Zvino Johaniwo aibhabhatidza paAenoni pedyo neSarimu nokuti pakanga pane mvura zhinji, uye vanhu vakanga vachiramba vachiuya kuti vazobhabhatidzwa.
Mabasa 3:23 (BDSC)
Ani naani zvake asingamuteereri achaparadzwa kwazvo pakati pavanhu vokwake.’
VaGaratia 3:23 (BDSC)
Kutenda uku kusati kwasvika, takanga tiri vasungwa vomurayiro, takapfigirwa kusvikira kutenda kuchizoratidzwa.
Genesisi 3:23 (BDSC)
Saka Jehovha Mwari akamudzinga mubindu reEdheni kuti arime ivhu raakatorwa kwariri.
Numeri 3:23 (BDSC)
Vedzimba dzavaGerishoni vaifanira kuvaka misasa nechokumavirira, shure kwetabhenakeri.
Dhuteronomi 3:23 (BDSC)
Zvino ndakanyengetera kuna Jehovha panguva iyo, ndikati,
Vatongi 3:23 (BDSC)
Ipapo Ehudhi akabuda akaenda kubiravira; akapfiga mikova yeimba yapamusoro shure kwake akaikiya.
Nehemia 3:23 (BDSC)
Mumashure mavo, Bhenjamini naHashubhi vakazogadzira mberi kweimba yavo; uye aivatevera, Azaria mwanakomana waMaaseya, mwanakomana waAnania, akagadzira parutivi peimba yake.
Jobho 3:23 (BDSC)
Upenyu hunopirweiko munhu ane nzira yakavanzika, iye akakomberedzwa naMwari noruzhowa?
Zvirevo 3:23 (BDSC)
Ipapo uchafamba panzira yako murugare, uye rutsoka rwako harungagumburwi;
Kuungudza kwaJeremia 3:23 (BDSC)
Itsva mangwanani oga oga, kutendeka kwenyu kukuru.
1 VaKorinde 3:23 (BDSC)
uye muri vanhu vaKristu, uye Kristu ndewaMwari.
1 Johani 3:23 (BDSC)
Uye uyu ndiwo murayiro wake: kutenda muzita roMwanakomana wake, Jesu Kristu, uye nokuda mumwe nomumwe wedu sezvaakatirayira.
2 Samueri 3:23 (BDSC)
Joabhu paakasvika navarwi vose vaaiva navo, akaudzwa kuti Abhineri mwanakomana waNeri akanga auya kuna mambo uye kuti mambo akanga amutendera kuti aende, uye akanga aenda norugare.
1 Madzimambo 3:23 (BDSC)
Ipapo mambo akati, “Mumwe anoti, ‘Mwanakomana wangu ndiye mupenyu, uye mwanakomana wako ndiye akafa,’ mumwewo achiti, ‘Kwete! Mwanakomana wako ndiye akafa, uye mwanakomana wangu ndiye mupenyu.’ ”
2 Madzimambo 3:23 (BDSC)
Vakati, “Iropa iro! Madzimambo ayo anenge arwa akaurayana. Zvino imi vaMoabhu endai munopamba!”
1 Makoronike 3:23 (BDSC)
Vanakomana vaNearia vaiva: Erioenai, Hizikia naAzirikamu, vatatu pamwe chete.