Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvawanikwa pakutsvaga: Romans 3:23

VaRoma 3:23 (BDSC)

nokuti vose vakatadza uye vakasasvika pakubwinya kwaMwari,

VaKorose 3:23 (BDSC)

Zvose zvamunoita, itai zvose nomwoyo wose, savanhu vanoshandira Ishe, kwete munhu,

Isaya 3:23 (BDSC)

nezvionioni, nenguo dzomucheka wakaisvonaka, nezvishongo namashaweri.

Jeremia 3:23 (BDSC)

Zvirokwazvo mheremhere youfeve iri pazvikomo, napamakomo unyengeri; zvirokwazvo muna Jehovha Mwari wedu ndimo mune ruponeso rwaIsraeri.

Ezekieri 3:23 (BDSC)

Saka ndakasimuka ndikaenda kubani. Uye kubwinya kwaJehovha kwakanga kumire ipapo, kwakaita sokubwinya kwandakamboona paRwizi rweKebhari, ndikawira pasi nechiso changu.

Dhanieri 3:23 (BDSC)

uye varume vatatu ava vakasungwa zvakasimba, vakawira mumoto unopfuta kwazvo.

Mako 3:23 (BDSC)

Saka Jesu akavadana akataura kwavari nomufananidzo achiti, “Ko, Satani angadzinga sei Satani?

Ruka 3:23 (BDSC)

Zvino Jesu pachake akanga ava namakore anenge makumi matatu paakatanga ushumiri hwake. Sokuonekwa kwazvo, akanga ari mwanakomana, mwanakomana waHeri,

Johani 3:23 (BDSC)

Zvino Johaniwo aibhabhatidza paAenoni pedyo neSarimu nokuti pakanga pane mvura zhinji, uye vanhu vakanga vachiramba vachiuya kuti vazobhabhatidzwa.

Mabasa 3:23 (BDSC)

Ani naani zvake asingamuteereri achaparadzwa kwazvo pakati pavanhu vokwake.’

VaGaratia 3:23 (BDSC)

Kutenda uku kusati kwasvika, takanga tiri vasungwa vomurayiro, takapfigirwa kusvikira kutenda kuchizoratidzwa.

Genesisi 3:23 (BDSC)

Saka Jehovha Mwari akamudzinga mubindu reEdheni kuti arime ivhu raakatorwa kwariri.

Numeri 3:23 (BDSC)

Vedzimba dzavaGerishoni vaifanira kuvaka misasa nechokumavirira, shure kwetabhenakeri.

Dhuteronomi 3:23 (BDSC)

Zvino ndakanyengetera kuna Jehovha panguva iyo, ndikati,

Vatongi 3:23 (BDSC)

Ipapo Ehudhi akabuda akaenda kubiravira; akapfiga mikova yeimba yapamusoro shure kwake akaikiya.

Nehemia 3:23 (BDSC)

Mumashure mavo, Bhenjamini naHashubhi vakazogadzira mberi kweimba yavo; uye aivatevera, Azaria mwanakomana waMaaseya, mwanakomana waAnania, akagadzira parutivi peimba yake.

Jobho 3:23 (BDSC)

Upenyu hunopirweiko munhu ane nzira yakavanzika, iye akakomberedzwa naMwari noruzhowa?

Zvirevo 3:23 (BDSC)

Ipapo uchafamba panzira yako murugare, uye rutsoka rwako harungagumburwi;

Kuungudza kwaJeremia 3:23 (BDSC)

Itsva mangwanani oga oga, kutendeka kwenyu kukuru.

1 VaKorinde 3:23 (BDSC)

uye muri vanhu vaKristu, uye Kristu ndewaMwari.

1 Johani 3:23 (BDSC)

Uye uyu ndiwo murayiro wake: kutenda muzita roMwanakomana wake, Jesu Kristu, uye nokuda mumwe nomumwe wedu sezvaakatirayira.

2 Samueri 3:23 (BDSC)

Joabhu paakasvika navarwi vose vaaiva navo, akaudzwa kuti Abhineri mwanakomana waNeri akanga auya kuna mambo uye kuti mambo akanga amutendera kuti aende, uye akanga aenda norugare.

1 Madzimambo 3:23 (BDSC)

Ipapo mambo akati, “Mumwe anoti, ‘Mwanakomana wangu ndiye mupenyu, uye mwanakomana wako ndiye akafa,’ mumwewo achiti, ‘Kwete! Mwanakomana wako ndiye akafa, uye mwanakomana wangu ndiye mupenyu.’ ”

2 Madzimambo 3:23 (BDSC)

Vakati, “Iropa iro! Madzimambo ayo anenge arwa akaurayana. Zvino imi vaMoabhu endai munopamba!”

1 Makoronike 3:23 (BDSC)

Vanakomana vaNearia vaiva: Erioenai, Hizikia naAzirikamu, vatatu pamwe chete.