Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvawanikwa pakutsvaga: Psaumes 33:6

Isaya 33:6 (BDSC)

Achava nheyo yechokwadi yenguva yenyu, nedura repfuma yoruponeso, uchenjeri nezivo; kiyi yepfuma iyi ndiko kutya Jehovha.

Jeremia 33:6 (BDSC)

“ ‘Kunyange zvakadaro hazvo, ndicharivigira utano nokurapwa; ndicharapa vanhu vangu uye ndichaita kuti vave norugare rwakawanda uye nokuchengetedzeka.

Ezekieri 33:6 (BDSC)

Asi kana nharirire ikaona munondo uchiuya uye ikasaridza hwamanda kuti iyambire vanhu uye munondo ukasvika ukabvisa upenyu hwomumwe wavo, munhu uyo achabviswa hake nokuda kwechivi chake, asi ndichabvunza ropa rake kunharirire.’

Genesisi 33:6 (BDSC)

Ipapo varandakadzi navana vavo vakaswedera uye vakakotama pasi.

Ekisodho 33:6 (BDSC)

Saka vaIsraeri vakabvisa zvishongo zvavo pagomo reHorebhi.

Numeri 33:6 (BDSC)

Vakabva paSukoti vakandodzika misasa yavo paEtamu, mujinga megwenga.

Dhuteronomi 33:6 (BDSC)

“Rubheni ngaararame arege kufa, uye vanhu vake ngavarege kuva vashoma.”

Jobho 33:6 (BDSC)

Ini ndakangoita sewe pamberi paMwari; neniwo ndakatorwa muvhu.

Mapisarema 33:6 (BDSC)

Kudenga denga kwakaitwa neshoko raJehovha, hondo dzenyeredzi dzaikoko, nokufema kwomuromo wake.

2 Makoronike 33:6 (BDSC)

Akabayira vanakomana vake mumoto mumupata weBheni Hinomi akaita zvamashura, mazango, nouroyi, akandobvunzira kumasvikiro, navavuki. Akaita zvakaipa zvizhinji pamberi paJehovha akamutsa hasha dzake.

Mateo 6:33 (BDSC)

Asi tangai kutsvaka umambo hwake nokururama kwake, uye zvinhu zvose izvi zvichapiwawo kwamuri.

Mako 6:33 (BDSC)

Asi vazhinji vakavaona vakavaziva uye vakamhanya netsoka vachibva kumaguta ose vakavatangira kusvikako.

Ruka 6:33 (BDSC)

Uye kana uchiita zvakanaka kuna vaya vakanaka kwauri, mubayiro wako uchagova weiko? Kunyange vatadzi vanoita izvozvo.

Johani 6:33 (BDSC)

Nokuti chingwa chaMwari ndiye anoburuka achibva kudenga uye anopa upenyu kunyika.”

Vatongi 6:33 (BDSC)

Zvino vaMidhiani, vaAmareki navamwe vanhu vokumabvazuva vakabatana vakayambuka Jorodhani vakandodzika matende avo muMupata weJezireeri.

Zvirevo 6:33 (BDSC)

Kurohwa nokunyadziswa ndiwo mugove wake, uye kunyadziswa kwake hakungatongobviswi;

1 Madzimambo 6:33 (BDSC)

Nenzira imwe cheteyo akagadzirirawo musuo weimba huru chivivo namagwatidziro zvomuti womuorivhi zvakanga zvine mativi mana.

2 Madzimambo 6:33 (BDSC)

Akati achiri kutaurirana navo, nhumwa yakasvika kwaari. Mambo akati, “Dambudziko iri rinobva kuna Jehovha. Ndichagoramba ndakamirira Jehovha nemhaka yeiko?”

1 Makoronike 6:33 (BDSC)

Ava ndivo varume vaibata basa pamwe chete navanakomana vavo: kubva kuvaKohati: Hemani muimbi, mwanakomana waJoere, mwanakomana waSamueri,

2 Makoronike 6:33 (BDSC)

ipapo inzwai kubva kudenga, kwamunogara uye muitire mutorwa chipi nechipi chaanokumbira kwamuri kuitira kuti vanhu vose vapanyika vazive zita renyu uye vakutyei sezvinoitwa navanhu venyu Israeri, uye kuti vagoziva kuti imba ino yandavaka ine Zita renyu.