Zvawanikwa pakutsvaga: Luke 8:30
Mateo 8:30 (BDSC)
Nechokure navo, kwakanga kune boka guru renguruve rakanga richifura.
Mako 8:30 (BDSC)
Jesu akavayambira kuti vasaudza munhu nezvake.
Ruka 8:30 (BDSC)
Jesu akamubvunza akati, “Zita rako ndiwe ani?” Akapindura akati, “Regioni,” nokuti madhimoni mazhinji akanga apinda maari.
Johani 8:30 (BDSC)
Kunyange panguva yaakanga achitaura, vazhinji vakatenda kwaari.
Mabasa 8:30 (BDSC)
Ipapo Firipi akamhanya achienda kungoro akanzwa murume uya achiverenga kubva kuna Isaya muprofita. Firipi akati kwaari, “Uri kunzwisisa zvauri kuverenga here?”
VaRoma 8:30 (BDSC)
Uye vaya vaakatemera kare, ndivo vaakadanawo; vaya vaakadana, ndivo vaakaruramisirawo; vaya vaakaruramisira, ndivo vaakakudzawo.
Ekisodho 8:30 (BDSC)
Ipapo akabva pana Faro akandonyengetera kuna Jehovha,
Revhitiko 8:30 (BDSC)
Ipapo Mozisi akatora mamwe mafuta okuzodza nerimwe ropa kubva paaritari akarisasa pana Aroni navanakomana vake nenguo dzavo. Saizvozvo, akatsaura Aroni nenguo dzake navanakomana vake nenguo dzavo.
Joshua 8:30 (BDSC)
Zvino Joshua akavakira Jehovha, Mwari waIsraeri, aritari pagomo reEbhari,
Vatongi 8:30 (BDSC)
Akanga ana vanakomana vake chaivo makumi manomwe, nokuti akanga ana vakadzi vazhinji.
Ezira 8:30 (BDSC)
Ipapo vaprista navaRevhi vakagamuchira sirivha negoridhe nemidziyo mitsvene yakanga yaerwa kuti iendeswe kuimba yaMwari wedu muJerusarema.
Zvirevo 8:30 (BDSC)
Ipapo ndini ndaiva mhizha parutivi rwake. Ndaigara ndichifara zuva nezuva, ndichifara nguva dzose pamberi pake,
1 Madzimambo 8:30 (BDSC)
Inzwai kukumbira kwomuranda wenyu, nokwavanhu venyu Israeri pavanozonamata vakatarisa kunzvimbo ino. Inzwai muri kudenga kwamunogara, uye kana manzwa mugoregerera.
1 Makoronike 8:30 (BDSC)
uye mwanakomana wake wedangwe ainzi Abhidhoni, achiteverwa naZuri, Kishi, Bhaari, Neri, Nadhabhi,
Zvirevo 30:8 (BDSC)
Bvisai kusatendeka nenhema zvive kure neni; musandipa urombo kana pfuma, asi ndipei chete zvokudya zvemisi yose.
Isaya 30:8 (BDSC)
Chienda iye zvino, unovanyorera pahwendefa izvozvo, uzvinyore murugwaro, kuti pamazuva anouya chigova chapupu nokusingaperi.
Jeremia 30:8 (BDSC)
“ ‘Pazuva iro,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, ‘Ndichavhuna joko pamitsipa yavo uye ndichadambura zvisungo zvavo; havachazoitwizve varanda navatorwa.
Ezekieri 30:8 (BDSC)
Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichatungidza moto kuIjipiti uye vabatsiri vayo vose vachaparadzwa.
Genesisi 30:8 (BDSC)
Ipapo Rakeri akati, “Ndakava nokurwa kukuru nomukoma wangu, ndikakunda.” Saka akamutumidza zita rokuti Nafutari.
Ekisodho 30:8 (BDSC)
Anofanira kupisazve zvinonhuhwira paanenge achitungidza mwenje zuva richangovira saka zvinonhuhwira zvinofanira kupiswa nguva dzose pamberi paJehovha kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera.
Numeri 30:8 (BDSC)
Asi kana murume wake amudzivisa paanenge anzwa nezvazvo, anokonesa mhiko iya inomusunga, kana vimbiso yaangazvisunga nayo, uye ipapo Jehovha achamusunungura.
Dhuteronomi 30:8 (BDSC)
Muchateererazve Jehovha uye muchatevera mirayiro yake yose yandiri kukupai nhasi.
Jobho 30:8 (BDSC)
Vakanga vari vanhu vakazvidzika vasina zita, vakadzingwa kubva munyika.
Mapisarema 30:8 (BDSC)
Ndakadana kwamuri, imi Jehovha; ndakachemera nyasha kuna Jehovha ndichiti,
1 Samueri 30:8 (BDSC)
ipapo Dhavhidhi akabvunza kuna Jehovha akati, “Ndingatevera here vapambi ava? Ndichavabata here?” Akapindura akati, “Vatevere. Zvirokwazvo uchavabata uye uchakunda mukuvanunura.”