Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvawanikwa pakutsvaga: Luke 8:30

Mateo 8:30 (BDSC)

Nechokure navo, kwakanga kune boka guru renguruve rakanga richifura.

Mako 8:30 (BDSC)

Jesu akavayambira kuti vasaudza munhu nezvake.

Ruka 8:30 (BDSC)

Jesu akamubvunza akati, “Zita rako ndiwe ani?” Akapindura akati, “Regioni,” nokuti madhimoni mazhinji akanga apinda maari.

Johani 8:30 (BDSC)

Kunyange panguva yaakanga achitaura, vazhinji vakatenda kwaari.

Mabasa 8:30 (BDSC)

Ipapo Firipi akamhanya achienda kungoro akanzwa murume uya achiverenga kubva kuna Isaya muprofita. Firipi akati kwaari, “Uri kunzwisisa zvauri kuverenga here?”

VaRoma 8:30 (BDSC)

Uye vaya vaakatemera kare, ndivo vaakadanawo; vaya vaakadana, ndivo vaakaruramisirawo; vaya vaakaruramisira, ndivo vaakakudzawo.

Ekisodho 8:30 (BDSC)

Ipapo akabva pana Faro akandonyengetera kuna Jehovha,

Revhitiko 8:30 (BDSC)

Ipapo Mozisi akatora mamwe mafuta okuzodza nerimwe ropa kubva paaritari akarisasa pana Aroni navanakomana vake nenguo dzavo. Saizvozvo, akatsaura Aroni nenguo dzake navanakomana vake nenguo dzavo.

Joshua 8:30 (BDSC)

Zvino Joshua akavakira Jehovha, Mwari waIsraeri, aritari pagomo reEbhari,

Vatongi 8:30 (BDSC)

Akanga ana vanakomana vake chaivo makumi manomwe, nokuti akanga ana vakadzi vazhinji.

Ezira 8:30 (BDSC)

Ipapo vaprista navaRevhi vakagamuchira sirivha negoridhe nemidziyo mitsvene yakanga yaerwa kuti iendeswe kuimba yaMwari wedu muJerusarema.

Zvirevo 8:30 (BDSC)

Ipapo ndini ndaiva mhizha parutivi rwake. Ndaigara ndichifara zuva nezuva, ndichifara nguva dzose pamberi pake,

1 Madzimambo 8:30 (BDSC)

Inzwai kukumbira kwomuranda wenyu, nokwavanhu venyu Israeri pavanozonamata vakatarisa kunzvimbo ino. Inzwai muri kudenga kwamunogara, uye kana manzwa mugoregerera.

1 Makoronike 8:30 (BDSC)

uye mwanakomana wake wedangwe ainzi Abhidhoni, achiteverwa naZuri, Kishi, Bhaari, Neri, Nadhabhi,

Zvirevo 30:8 (BDSC)

Bvisai kusatendeka nenhema zvive kure neni; musandipa urombo kana pfuma, asi ndipei chete zvokudya zvemisi yose.

Isaya 30:8 (BDSC)

Chienda iye zvino, unovanyorera pahwendefa izvozvo, uzvinyore murugwaro, kuti pamazuva anouya chigova chapupu nokusingaperi.

Jeremia 30:8 (BDSC)

“ ‘Pazuva iro,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, ‘Ndichavhuna joko pamitsipa yavo uye ndichadambura zvisungo zvavo; havachazoitwizve varanda navatorwa.

Ezekieri 30:8 (BDSC)

Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha, pandichatungidza moto kuIjipiti uye vabatsiri vayo vose vachaparadzwa.

Genesisi 30:8 (BDSC)

Ipapo Rakeri akati, “Ndakava nokurwa kukuru nomukoma wangu, ndikakunda.” Saka akamutumidza zita rokuti Nafutari.

Ekisodho 30:8 (BDSC)

Anofanira kupisazve zvinonhuhwira paanenge achitungidza mwenje zuva richangovira saka zvinonhuhwira zvinofanira kupiswa nguva dzose pamberi paJehovha kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera.

Numeri 30:8 (BDSC)

Asi kana murume wake amudzivisa paanenge anzwa nezvazvo, anokonesa mhiko iya inomusunga, kana vimbiso yaangazvisunga nayo, uye ipapo Jehovha achamusunungura.

Dhuteronomi 30:8 (BDSC)

Muchateererazve Jehovha uye muchatevera mirayiro yake yose yandiri kukupai nhasi.

Jobho 30:8 (BDSC)

Vakanga vari vanhu vakazvidzika vasina zita, vakadzingwa kubva munyika.

Mapisarema 30:8 (BDSC)

Ndakadana kwamuri, imi Jehovha; ndakachemera nyasha kuna Jehovha ndichiti,

1 Samueri 30:8 (BDSC)

ipapo Dhavhidhi akabvunza kuna Jehovha akati, “Ndingatevera here vapambi ava? Ndichavabata here?” Akapindura akati, “Vatevere. Zvirokwazvo uchavabata uye uchakunda mukuvanunura.”