Zvawanikwa pakutsvaga: John 3:16
Johani 3:16 (BDSC)
“Nokuti Mwari akada nyika nokudaro, kuti akapa Mwanakomana wake mumwe oga, kuti ani naani anotenda kwaari arege kufa asi ave noupenyu husingaperi.
VaKorose 3:16 (BDSC)
Shoko raKristu ngarigare zvakakwana mamuri pamunenge muchidzidzisana muchirayirana nouchenjeri hwose, uye muchiimba mapisarema, dzimbo nenziyo dzomweya muchivonga Mwari mumwoyo yenyu.
2 Timoti 3:16 (BDSC)
Rugwaro rwose rwakafemerwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, kurayira, kutsiura nokurayiridza mukururama,
Muparidzi 3:16 (BDSC)
Uyezve ndakaona chimwe chinhu pasi pezuva: Panzvimbo yokururamisira, zvakaipa zvakanga zviripo, panzvimbo yokururama, zvakaipa zvakanga zviripo.
Isaya 3:16 (BDSC)
Jehovha anoti, “Vakadzi veZioni vanozvikudza, vanofamba vakamisa mitsipa yavo. Vachichonya nameso avo, uye vanofamba vachinzenzeta, vaine zvishongo zvinorira muzviziso zvamakumbo avo.
Jeremia 3:16 (BDSC)
Mumazuva iwayo, pamunenge mawanda zvikuru munyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “vanhu havangazoti, ‘Areka yesungano yaJehovha.’ Hazvingazopindi mundangariro dzavo kana kurangarirwa; havazoishuvi, havangagadziri imwezve.
Ezekieri 3:16 (BDSC)
Shure kwokupera kwamazuva manomwe, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
Dhanieri 3:16 (BDSC)
Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego vakapindura mambo vakati, “Imi Nebhukadhinezari, isu hatifaniri kuzvirwira pamberi penyu pamusoro penyaya iyi.
Joere 3:16 (BDSC)
Jehovha achaomba paZioni, uye achatinhira ari muJerusarema; denga nenyika zvichadedera. Asi Jehovha achava utiziro hwavanhu vake, nhare yavanhu veIsraeri.
Nahumi 3:16 (BDSC)
Makawedzera uwandu hwavatengesi venyu kusvikira vapfuura nyeredzi dzedenga kuwanda. Asi sehwiza, vanoparadza nyika vobhururuka vachienda.
Habhakuki 3:16 (BDSC)
Ndakazvinzwa, hana yangu ikarova, miromo yangu yakadedera pandakanzwa maungira; kuora kwakapinda mumapfupa angu, makumbo angu akadedera. Asi ndichamirira hangu zuva renjodzi kuti riuye pamusoro porudzi ruchatirwisa.
Zefania 3:16 (BDSC)
Pazuva iro vachati kuJerusarema, “Usatya, iwe Zioni; usarega maoko ako achishayiwa simba.
Maraki 3:16 (BDSC)
Ipapo vaya vaitya Jehovha vakataurirana, uye Jehovha akateerera akanzwa. Bhuku rechirangaridzo rakanyorwa pamberi pake pamusoro pavanotya Jehovha uye nevanoremekedza zita rake.
Mateo 3:16 (BDSC)
Jesu angobhabhatidzwa, akabuda mumvura. Panguva iyoyo denga rakazaruka, uye akaona Mweya waMwari uchiburuka senjiva uye ukasvikogara paari.
Mako 3:16 (BDSC)
Ava ndivo gumi navaviri vaakasarudza: Simoni (uyo waakatumidza zita rokuti Petro),
Ruka 3:16 (BDSC)
Johani akavapindura vose achiti, “Ini ndinokubhabhatidzai nemvura. Asi shure kwangu kunouya mumwe ane simba kundipfuura zvokuti ini handina kukodzera kuti ndisunungure rukanda rweshangu dzake. Achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nomoto.
Mabasa 3:16 (BDSC)
Nokutenda muzita raJesu, munhu uyu wamunoona uye wamunoziva, asimbiswa. Izita raJesu uye nokutenda kunouya kubudikidza naye kwauyisa kuporeswa uku kwaari, sezvamunoona imi mose.
VaRoma 3:16 (BDSC)
kuparadza nenhamo zviri panzira dzavo,
VaGaratia 3:16 (BDSC)
Zvipikirwa zvakataurwa kuna Abhurahama uye nokumwana wake. Rugwaro harutauri ruchiti “uye kuvana,” zvichireva vanhu vazhinji, asi “uye kumwana wako,” kureva munhu mumwe, anova ndiye Kristu.
VaEfeso 3:16 (BDSC)
Ndinonyengetera kuti kubva papfuma yokubwinya kwavo vakusimbisei nesimba noMweya wavo mumunhu womukati,
VaFiripi 3:16 (BDSC)
Ngatiraramei bedzi zvinopindirana nezvatakawana.
VaHebheru 3:16 (BDSC)
Ndivanaaniko vakanzwa uye vakamukira? Havazivo here vaya vose vakatungamirirwa naMozisi pakubuda muIjipiti?
Jakobho 3:16 (BDSC)
Nokuti pane godo norukave, ndipo pamunowana nyonganiso namabasa ose akaipa.
Zvakazarurwa 3:16 (BDSC)
Saka nokuda kwokuti unodziya zvishoma, haupisi kana kutonhora, ndava kuda kukusvipa kubva mumuromo mangu.
Genesisi 3:16 (BDSC)
Kumukadzi akati, “Ndichawedzera kwazvo kurwadziwa kwako mukubereka vana; uchabereka vana mukurwadziwa. Kuda kwako kuchava kumurume wako, uye achava nesimba pamusoro pako.”