Zvawanikwa pakutsvaga
Jobho 4:1 (BDSC)
Ipapo Erifazi muTemani akapindura achiti:
Jobho 4:2 (BDSC)
“Kana mumwe munhu akava neshoko newe, iwe uchashayiwa mwoyo murefu here? Asi ndiani angarega kutaura?
Jobho 4:3 (BDSC)
Funga kuti wakadzidzisa vazhinji sei, uye kuti wakasimbisa sei maoko asina simba.
Jobho 4:4 (BDSC)
Mashoko ako akatsigira vaya vakagumburwa; wakasimbisa mabvi akaneta.
Jobho 4:5 (BDSC)
Asi zvino nhamo yasvika kwauri, uye iwe waora mwoyo; inokurova, iwe ndokuvhunduka.
Jobho 4:6 (BDSC)
Ko, kutya kwako Mwari hakuzi chivimbo chako, uye nzira dzako dzakarurama tariro yako here?
Jobho 4:7 (BDSC)
“Rangarira iye zvino: Ndianiko, asina mhaka, akamboparadzwa? Ndokupiko kwakatongoparadzwa vakarurama?
Jobho 4:8 (BDSC)
Sezvandakaona, vaya vanodyara zvakaipa navaya vanokusha nhamo ndizvo zvavanokohwa.
Jobho 4:9 (BDSC)
Vanoparadzwa nokufema kwaMwari; vanoparara nokuputika kwehasha dzake.
Jobho 4:10 (BDSC)
Shumba dzingaomba nokunguruma, nyamba meno eshumba huru akaguduka.
Jobho 4:11 (BDSC)
Shumba inoparara nokuda kwokushaya nyama, uye vana veshumbakadzi vanopararira.
Jobho 4:12 (BDSC)
“Shoko rakauyiswa kwandiri muchivande, nzeve dzangu dzakanzwa zevezeve raro.
Jobho 4:13 (BDSC)
Pakati pokurota hope dzinovhundutsa usiku, hope huru padzinenge dzabata vanhu,
Jobho 4:14 (BDSC)
kutya nokudedera zvakandibata zvikaita kuti mapfupa angu ose abvunde.
Jobho 4:15 (BDSC)
Mumwe mweya wakapfuura pamberi pechiso changu, uye bvudzi romusoro wangu rikamira.
Jobho 4:16 (BDSC)
Wakamira, asi ndakatadza kuziva kuti chaiva chii. Chinhu chakamira pamberi pameso angu, uye ndakanzwa inzwi rakanyarara richiti:
Jobho 4:17 (BDSC)
‘Ko, munhu anofa, angava akarurama kupfuura Mwari here? Ko, munhu angagona kuchena kukunda Muiti wake here?
Jobho 4:18 (BDSC)
Kana Mwari akasavimba navaranda vake, kana akakanganisa kutonga vatumwa vake,
Jobho 4:19 (BDSC)
zvikuru sei kuna avo vanogara mudzimba dzevhu, nheyo dzavo dziri muguruva, dzinopwanyiwa nyore kupfuura chipfukuto!
Jobho 4:20 (BDSC)
Dzinoputsanyiwa pakati pamambakwedza namadekwana; dzinoparara dzisingazoonekwi nokusingaperi.
Jobho 4:21 (BDSC)
Ko, mabote etende ravo haana kubviswa here kuti vagofa vasina uchenjeri?’
Jobho 1:4 (BDSC)
Vanakomana vake vaisiita madzoro okuita mutambo mudzimba dzavo, uye vaikokawo hanzvadzi dzavo nhatu kuzodya nokunwa pamwe chete navo.
Jobho 2:4 (BDSC)
Satani akapindura achiti, “Ganda neganda! Munhu achapa zvose zvaanazvo nokuda kwoupenyu hwake.
Jobho 3:4 (BDSC)
Zuva iroro ngarishanduke rive rima; Mwari wokudenga ngaarege kuva nehanya naro; Chiedza ngachirege kuvhenekera pamusoro paro.
Jobho 5:4 (BDSC)
Vana vake havana kuchengetedzeka, vanopwanyiwa padare vasina anovarwira.