Zvawanikwa pakutsvaga: Hebrews 11:30
Mateo 11:30 (BDSC)
Nokuti joko rangu hariremi uye mutoro wangu wakareruka.”
Dhanieri 11:30 (BDSC)
Zvikepe zvokuzviwi zvokumavirira zvichamupikisa, uye iye achaora mwoyo. Ipapo achadzokera kwaabva agondopedzera shungu dzake pamusoro pesungano tsvene. Achadzokera agondofarira vaya vanorasa sungano tsvene.
Mako 11:30 (BDSC)
Rubhabhatidzo rwaJohani, rwakabva kudenga kana kuti kuvanhu? Ndiudzei!”
Ruka 11:30 (BDSC)
Nokuti sezvo Jona akanga ari chiratidzo kuvaNinevhe, saizvozvowo ndizvo zvichaita Mwanakomana woMunhu kurudzi urwu.
Johani 11:30 (BDSC)
Zvino Jesu akanga asati apinda mumusha, asi akanga achiri panzvimbo paya paakanga asangana naMarita.
Mabasa 11:30 (BDSC)
Vakaita izvi, vakatumira chipo chavo naBhanabhasi naSauro kuvakuru.
VaRoma 11:30 (BDSC)
Nokuti sezvo imi makanga musingateereri Mwari pane imwe nguva magamuchira ngoni zvino nokuda kwokusateerera kwavo,
VaHebheru 11:30 (BDSC)
Nokutenda masvingo eJeriko akawira pasi, mushure mokunge vanhu vafamba vachiapoteredza kwamazuva manomwe.
Genesisi 11:30 (BDSC)
Zvino Sarai akanga asingabereki; akanga asina vana.
Revhitiko 11:30 (BDSC)
chifurira, namarudzi ose amadzvinyu, dhambakura nerwaivhi.
Numeri 11:30 (BDSC)
Ipapo Mozisi navakuru vavaIsraeri vakadzokera kumusasa.
Dhuteronomi 11:30 (BDSC)
Sezvamunoziva, makomo aya ari mhiri kweJorodhani, nechokumavirira kwomugwagwa, makananga kumavirazuva, pedyo nemiti mikuru yeMore, munyika yavaKenani vagere muArabha pedyo neGirigari.
Vatongi 11:30 (BDSC)
Uye Jefuta akaita mhiko kuna Jehovha akati, “Kana mukaisa vaAmoni mumaoko angu,
Nehemia 11:30 (BDSC)
Zanoa, neAdhurami nemisha yawo, muRakishi neminda yaro, nomuAzeka namaruwa aro. Naizvozvo vakanga vagere munzvimbo yose kuBheerishebha kusvikira kuMupata weHinomi.
Zvirevo 11:30 (BDSC)
Chibereko chokururama ndiwo muti woupenyu, uye anotungamirira mweya yavanhu kuruponeso ndiye akachenjera.
1 VaKorinde 11:30 (BDSC)
Ndokusaka vazhinji pakati penyu vasina simba uye vachirwara, uye vamwe venyu vavete.
2 VaKorinde 11:30 (BDSC)
Kana ndichifanira kuzvirumbidza, ndichazvirumbidza pamusoro pezvinhu zvinoratidza utera hwangu.
1 Madzimambo 11:30 (BDSC)
ipapo Ahija akatora jasi idzva romucheka raakanga akapfeka akaribvarura-bvarura kuita zvipenga gumi nezviviri.
1 Makoronike 11:30 (BDSC)
Maharai muNetofati, Heredhi mwanakomana waBhaana muNetofati,
Zvirevo 30:11 (BDSC)
“Kuna avo vanotuka madzibaba avo uye vasingaropafadzi vanamai vavo;
Isaya 30:11 (BDSC)
Siyai nzira iyi, ibvai mugwara iri, murege kuita kuti timisidzane noMutsvene waIsraeri!”
Jeremia 30:11 (BDSC)
Ndinewe uye ndichakuponesa,’ ndizvo zvinotaura Jehovha. ‘Kunyange zvazvo ndakaparadza chose ndudzi dzose dzandakakuparadzira pakati padzo, handingazokuparadze zvachose iwe. Ndichakuranga asi nokururamisira chete; handingakusiyi usina kurangwa zvachose.’
Ezekieri 30:11 (BDSC)
Iye nehondo yake, rudzi rwakaipisisa pakati pendudzi, achauyiswa kuti azoparadza nyika. Vachavhomora minondo yavo kuti varwise Ijipiti, uye vachazadza nyika navakaurayiwa.
Genesisi 30:11 (BDSC)
Ipapo Rea akati, “Makorokoto! Zvaita zvakanaka.” Saka akamutumidza zita rokuti Gadhi.
Ekisodho 30:11 (BDSC)
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi,