Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvawanikwa pakutsvaga: Genesis 28:10-22

Genesisi 1:1 (BDSC)

Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika.

Genesisi 1:2 (BDSC)

Zvino nyika yakanga isina kugadzirwa uye isina chinhu, rima rakanga riri pamusoro pemvura yakadzika, uye Mweya waMwari wakanga uchigara pamusoro pemvura.

Genesisi 1:3 (BDSC)

Uye Mwari akati, “Chiedza ngachivepo,” chiedza chikavapo.

Genesisi 1:4 (BDSC)

Mwari akaona kuti chiedza chakanga chakanaka, uye akaparadzanisa chiedza nerima.

Genesisi 1:5 (BDSC)

Mwari akatumidza chiedza kuti “masikati,” uye rima akaritumidza kuti “usiku.” Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rokutanga.

Genesisi 1:6 (BDSC)

Uye Mwari akati, “Ngapave nenzvimbo pakati pemvura kuti iparadzanise mvura nemvura.”

Genesisi 1:7 (BDSC)

Saka Mwari akaita nzvimbo uye akaparadzanisa mvura yakanga iri pasi penzvimbo iyi kubva pamvura yakanga iri pamusoro payo. Uye zvakaita saizvozvo.

Genesisi 1:8 (BDSC)

Mwari akatumidza nzvimbo iyi kuti “denga.” Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechipiri.

Genesisi 1:9 (BDSC)

Uye Mwari akati, “Mvura iri pasi pedenga ngaiungane panzvimbo imwe chete, uye pasi pakaoma ngapaonekwe.” Uye zvakaita saizvozvo.

Genesisi 1:10 (BDSC)

Mwari akatumidza pasi pakaoma kuti, “nyika,” uye mvura yakaungana akaiti “makungwa.” Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.

Genesisi 1:11 (BDSC)

Ipapo Mwari akati, “Nyika ngaimerese uswa: miriwo inobereka mbeu nemiti panyika inobereka michero ine mhodzi mukati mayo, maererano nemhando dzayo dzakasiyana-siyana.” Uye zvakaita saizvozvo.

Genesisi 1:12 (BDSC)

Nyika yakameresa uswa: miriwo inobereka mbeu maererano nemhando dzayo nemiti inobereka michero ine mhodzi mukati mayo, maererano nemhando dzayo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.

Genesisi 1:13 (BDSC)

Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechitatu.

Genesisi 1:14 (BDSC)

Uye Mwari akati, “Ngakuve nezviedza munzvimbo yedenga kuti zviparadzanise masikati kubva pausiku, uye ngazvishande sezviratidzo zvokucherechedza mwaka namazuva namakore,

Genesisi 1:15 (BDSC)

uye ngazvive zviedza munzvimbo yedenga kuti zvivhenekere panyika.” Uye zvakaita saizvozvo.

Genesisi 1:16 (BDSC)

Mwari akaita zviedza zvikuru zviviri, chiedza chikuru kuti chibate ushe masikati uye chiedza chiduku kuti chibate ushe usiku. Akaitawo nyeredzi.

Genesisi 1:17 (BDSC)

Mwari akazviisa munzvimbo yedenga kuti zvivhenekere panyika,

Genesisi 1:18 (BDSC)

kuti zvibate ushe masikati nousiku, uye kuti zviparadzanise chiedza kubva parima. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.

Genesisi 1:19 (BDSC)

Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechina.

Genesisi 1:20 (BDSC)

Uye Mwari akati, “Mvura ngaive nezvisikwa zvipenyu, uye shiri ngadzibhururuke pamusoro penyika munzvimbo yedenga.”

Genesisi 1:21 (BDSC)

Saka Mwari akasika zvisikwa zvikuru zvegungwa nezvipenyu zvose zvinokambaira zvinogara mumvura, maererano namarudzi azvo, uye neshiri dzina mapapiro, maererano namarudzi adzo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.

Genesisi 1:22 (BDSC)

Mwari akazviropafadza akati, “Berekanai muwande muzadze mvura iri mumakungwa, uye shiri ngadziwande panyika.”

Genesisi 1:23 (BDSC)

Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechishanu.

Genesisi 1:24 (BDSC)

Uye Mwari akati, “Nyika ngaibereke zvisikwa zvipenyu maererano namarudzi azvo: zvipfuwo, zvisikwa zvinokambaira panyika, nezvikara zvesango, chimwe nechimwe nemhando yacho.” Uye zvakaita saizvozvo.

Genesisi 1:25 (BDSC)

Mwari akaita mhuka dzesango maererano namarudzi adzo, zvipfuwo namarudzi azvo, nezvisikwa zvose zvinokambaira panyika maererano namarudzi azvo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.