Zvawanikwa pakutsvaga: 1 Samuel 15:22
1 VaKorinde 15:22 (BDSC)
Nokuti, sokufa kwakaita vanhu vose muna Adhamu, naizvozvowo muna Kristu vose vachaitwa vapenyu.
1 Samueri 15:22 (BDSC)
Asi Samueri akapindura akati, “Ko, Jehovha angafarira zvipiriso zvinopiswa nezvibayiro sezvaanofarira kuteererwa kwenzwi raJehovha here? Kuteerera kunokunda chibayiro, uye kuteerera kunokunda mafuta amakondobwe.
1 Madzimambo 15:22 (BDSC)
Ipapo Mambo Asa akarayira Judha yose, hapana akasiyiwa, ivo vakatora kubva kuRama matombo namatanda akanga achishandiswa naBhaasha ikoko. Mambo Asa akaashandisa kuvaka Gebha muBhenjamini, neMizipawo.
1 Makoronike 15:22 (BDSC)
Kenania mukuru wavaRevhi ndiye aitungamirira kuimba; ndiro rakanga riri basa rake nokuti aiva nyanzvi pariri.
1 Samueri 22:15 (BDSC)
Ko, ndiro rakanga riri zuva rokutanga here randakamubvunzira kuna Mwari? Zvirokwazvo kwete! Mambo ngaarege kupa mhosva muranda wenyu kana mumwe upi zvake wemhuri yababa vake, nokuti muranda wenyu haana kana chaanoziva pamusoro penyaya iyi yose.”
1 Madzimambo 22:15 (BDSC)
Paakasvika, mambo akamubvunza akati, “Mikaya, toenda here kundorwa neRamoti Gireadhi, kana kuti torega?” Akapindura akati, “Rwisai mukunde nokuti Jehovha achariisa muruoko rwamambo.”
1 Makoronike 22:15 (BDSC)
Une varume vebasa vazhinji kwazvo: vavezi vamatombo, vavezi vamatanda navamwe varume vane unyanzvi mumabasa ose akasiyana-siyana
Mateo 15:22 (BDSC)
Mumwe mukadzi muKenani womunzvimbo iyi akauya achidanidzira achiti, “Ishe, mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwirei ngoni! Mwanasikana wangu ari kutambudzwa zvikuru nedhimoni rakamubata.”
Mako 15:22 (BDSC)
Vakaenda naJesu kunzvimbo yainzi Gorogota (kureva kuti Nzvimbo yeDehenya).
Ruka 15:22 (BDSC)
“Asi baba vakati kuvaranda vavo, ‘Kurumidzai! Uyai nenguo dzakaisvonaka mumupfekedze. Muise mhete pamunwe wake neshangu mutsoka dzake.
Johani 15:22 (BDSC)
Dai ndakanga ndisina kuuya ndikataura kwavari, vangadai vasina mhosva yechivi ichi. Zvino, kunyange zvakadaro, havana chikonzero chokuita chivi chavo.
Mabasa 15:22 (BDSC)
Ipapo vapostori navakuru, nekereke yose, vakafunga kusarudza vamwe varume pakati pavo kuti vagovatuma kuAndioki pamwe chete naPauro naBhanabhasi. Vakasarudza Judhasi (ainzi Bhanabhasi) naSirasi, varume vaviri ava vakanga vari vatungamiri pakati pehama.
VaRoma 15:22 (BDSC)
Ndokusaka ndakadziviswa kazhinji kuuya kwamuri.
Ekisodho 15:22 (BDSC)
Ipapo Mozisi akatungamirira vaIsraeri kubva paGungwa Dzvuku uye vakapinda murenje reShuri. Vakafamba kwamazuva matatu murenje vachishayiwa mvura.
Revhitiko 15:22 (BDSC)
Ani naani achabata chinhu chaachagara anofanira kusuka nguo dzake uye agoshamba nemvura, uye achava asina kuchena kusvikira manheru.
Numeri 15:22 (BDSC)
“ ‘Zvino kana musingatadzi nobwoni kuchengeta mirayiro iyi yakapiwa kuna Mozisi naJehovha,
Dhuteronomi 15:22 (BDSC)
Unofanira kuchidyira mumaguta ako. Vose vasina kuchena navakachena vangazvidya havo sokunge vanodya mhara kana nondo.
Joshua 15:22 (BDSC)
Kina, Dhimona, Adhadha,
2 Samueri 15:22 (BDSC)
Dhavhidhi akati kuna Itai, “Enda hako, famba.” Nokudaro Itai muGiti navanhu vake nemhuri dzose dzaiva naye vakafamba vachienda mberi.
2 Madzimambo 15:22 (BDSC)
Menahemi akazorora namadzibaba ake. Uye Pekahia mwanakomana wake akamutevera paumambo.
Jobho 15:22 (BDSC)
Anorasikirwa netariro yokupunyuka parima; munondo ndiwo waakatarirwa.
Zvirevo 15:22 (BDSC)
Urongwa hunoparara kana pasina vanopa mazano, asi vanopa mazano vakawanda hunobudirira.
1 Samueri 15:2 (BDSC)
Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Ndicharanga vaAmareki nokuda kwezvavakaita kuvaIsraeri pavakavadzivirira panzira panguva yavakabuda kubva kuIjipiti.
1 Samueri 15:20 (BDSC)
Sauro akati, “Asi ndakateerera Jehovha. Ndakaenda parwendo rwandakatumwa naJehovha. Ndakaparadza vaAmareki zvachose ndikauya naAgagi mambo wavo.
1 Samueri 15:21 (BDSC)
Varwi vakatora makwai nemombe zvakabva pane zvakapambwa, izvo zvakanakisisa zvavakatsaurira Mwari, kuitira kuti vagozvibayira kuna Jehovha Mwari wenyu paGirigari.”