Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Tiri Vamwe Muna KristuChikamu

Tiri Vamwe Muna Kristu

ZUVA 3 REMAZUVA 3

Ndewe Vanhu Vose

Murairo wakaisirwa mhuri yaIsraeri wakanga uchipatsanura zvakanyanaya vanhu nekuda kwemarudzi avo. Nerumwe rutivi, kupesana kwaiwa kwekuti uri muJuda kana muHedheni here, murume kana mukadzi here, zvose zvakapera muna Kristu. Kusiyana kwevanhu hakuna kungopera muna Kristu chete, asi ruponeso, nyasha nekutenda zvakapararira kuna vose. Chivimbiso chakazadzikiswa kuna vose muna Kristu zvikaunza kuenzana kwavanhu vose paruponeso.

Zvose izvi zvakaunza kupesana pakati pevanhu zvinopera zvose kana munhu achinge abhabhatidzwa muna Kristu. Umwechete wevanhu unooneka mupfungwa yekuti kuna Mwari mumwe naIshe Jesu Kristu mumwe uyo watakatenda kwaari. Kune vhangeri imwechete iyo inofanira kutendwa nemunhu wese kuti akwanise kupinda muukama umwe naMwari.

Chikristu, nokudaro, hachinganongedzerwi kutsika dzerudzi rumwechete rwevanhu. Hachingavi cheVaJudha, hachingavi cheVaHeddeni. Nokuda kwekuti hachisi cherudzi, chinoenda kumarudzi ose epasi rino. Ngatikumbire Mwari vatiratidze pfungwa yekunzwisisa matiri, nekuona umwechete hwedu. Tikakwanisa kuita izvi tichava nekuremekedzana, kukoshesana nerudo rwaKristu ruchagara matiri.

Munamato: Ndinokutendai Mwari nekuti ndiri nhengo yemuviri waKristu. Ndinokutendai nekuti makandiregerera zvivi nekundigamuchira kuti ndiwe pakati pevamwe, nekutiita vamwe mamuri. Tibatsirei tirarame murudo rwenyu rusingagume uye kuti tive muenzaniso wakanaka kuna vose. Muzita raJesu. Ameni.

Kuwedzera Kuverenga: Mabasa 10:34, VaKorose 3:11, 1 VaKorinde 12:13

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Tiri Vamwe Muna Kristu

VaGaratiya vechitatu anopa shoko rinesimba pamusoro pekukosha kwekutenda kwedu neukama hwdu naMwari. Kutenda uku hakuna kungopiwa vanhu vashoma chete, asi kunoenderera kumarudzi, mumagariro, nekusiyana kwevanhu, zvese zvichitibatanidza muna Kristu. Chinosimbisisa kuti hatina kuponeswa nesimba redu, asi nekutenda muna Jesu Kristu. Chitsauko chinotaura nezvekusunungurwa, nekunongedzera kusununguka kwatinoona muna Kristu.

More

Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL