Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zvibayiro Zvipenyu Kuna MwariChikamu

Zvibayiro Zvipenyu Kuna Mwari

ZUVA 2 REMAZUVA 3

Musafananidzwa

Moyo wakazvipira unofamba nechinangwa chepamusoro chekuziva kuti unopfuura zvose zvenyika ino. Kufunga kwemukristu kunofanira kuva pazvinhu zvinogara nekusingaperi, zvisiri zvepanyika ino. Nokudaro, hatifaniri kuzvipinza pazvinhu zvinokanganisa kufunga kwedu zvichitibvisa pazvinangwa zvaMwari. Ngatibvisei mifungo yedu pakuchiva kwenyika ino. Mifungo yemunhu anopa upenyu hwake kuna Kristu unofanira kusiyana nevemunyika.

Nyika ino yakazara neuipi nezvinotyisa izvo zvinoda kubvisa vanhu vaKristu pakutenda. Mwari vanoda kuti tipe upenyu hwedu hwese kwaari. Unhu wedu unofanira kuratidza kuti tiri vanhu vanonamata Mwari. Makristu anofanira kuramba gwezvero rakaipa renyika nekuti takashandurwa murangariro, tikapiwa kufunga kutsva kuti tigone kuona zvinodiwa naMwari. Mukuita izvozvo, Mwari vachaisa matiri mweya wekumuziva nesimba rekubva muzvinhu zvisingatisvitse kumusoro kudenga. Tikaratidza kuva vanhu vashandurwa, nekuratidza chinangwa chekuziva Mwari, zvechokwadi achaita zvinhu zvose kuti zviwe zvitsva. Achatibatsira kuti tifunge sezvaanoda nekurarama nenzira yake yepamusoro.

Munamato: Mwari wedu wekudenga, ndinozvininipisa pamberi penyu. Ndinonamata kuti murege kunditendera kuti ndifananidzwe nenyika ino, asi kuti ndushandurwe. Ndibatsirei kuti ndione nekunzwisisa kunaka kwenyu. Ndibatsirei kuti ndipe muviri wangu, nguva yangu pamwe nezvipo zvangu kuti zvive zvibairo zvitsvene. Muna Jesu ndinonamata. Ameni.

Kuwedzera Kuverenga: VaEfeso 4:23, VaGaratiya 1:4, Jakobo 4:4

Zvinechekuita neHurongwa uhu

Zvibayiro Zvipenyu Kuna Mwari

VaRoma chitsauko 12 inotipa rugwaro runotaura nezvekurarama kwemukristu. Inokurudzira kushandurwa kwemunhu pakupiwa mufungo mutsva unobatsira kushandura raramo yemunhu. Inosimbisisa kukosha kwezvipo zvemweya nebasa ringaitwa nemumwe nemumwe mumuviri waKristu. Pamusoro pazvose, inosimudzira kukosha kwerudo, rudo runokomborera kunyange munguva yekutambudzwa, ruchitsvaga runyararo nerugare.

More

Tinoda kutenda Trymore Mutare nekupa chirongwa ichi. Kuti uwane rumwe ruzivo, ndapota shanya: facebook.com/trymore.mutare.7?mibextid=ZbWKwL