Zvamungada kuziva pa Chirongwa ichi

Bhaibheri ripenyuChikamu

La Biblia está viva

DAY 1 OF 7

Bhaibheri ripenyu

Bhaibheri ishoko raMwari kwatiri. Inyaya yakanyorwa nevanhu vachishandiswa naMwari vachitaura nezvake iye Mwari uye hurongwa hwake hwekuponesa nekudzoreredza vanhu mugwara. Nekuti mashoko aro anobva kuna Mwari pachake, chikamu chese chemagwaro chine simba rekurayira, kuratidza patinokanganisa, uye nekutishandura.  


Rangarira nguva yawakambonzwa mafungiro ako achishandurwa, kana kuona upenyu hwako uchishandurwa. Kana uchigaroverenga kana kuteerera shoko raMwari, wakamboona simba raro rekukukurudzira uye kukusimbisa. 


Bhaibheri hadzisingori nyaya dzakaitika kare chete. Kunyangwe zvazvo richitaura zvakaitwa naMwari kare, rinotitaridza zvekare kuti Mwarivachaitei. Ririkutitaridza nyaya irikuzarurwa naMwari kubvira kare; iyo nyaya yaarikuenderera mberi kutaura kuburikidza nesu.  


Shoko raMwari rakafamba mumwoyo mevanhu kubva pakutanga, uye kurudziro inobva kwariri yashandura maguta, nenyika, kunyangwe dziri mhiri kwemakungwa. 


Nekudaro vhiki rino, ngatipembererei kuti bhaibheri imhenyu uye rirkushanda pasi rose tichitarisa rungano rwurikutaurwa naMwari achishandisa maKristu kubvira nakubvira—rungano runotaridza simba rebhaibheri rekukunda rima, kuunza tariro, kudzoreredza upenyu hwevanhu, nekushandura pasi rose.


Zuva 2

About this Plan

La Biblia está viva

Kubvira pakutanga kwapasi, Shoko raMwari riri kudzoreredza hana nendangariro dzevanhu- uye Mwari haasati apedza basa irori. Mu plan iyi yemazuva manomwe, ngatipemberere simba reshok rekushandura upenyu hwedu kuburikidza ...

More

Plan iyi yakagadzirwa uye inobva kuYouversion.

YouVersion uses cookies to personalize your experience. By using our website, you accept our use of cookies as described in our Privacy Policy