Zefania 3:14-20
Zefania 3:14-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Imba, iwe Mwanasikana weZioni, danidzira, iwe Israeri! Fara ugofarisisa nomwoyo wako wose, iwe Mwanasikana weJerusarema! Jehovha abvisa kurangwa kwako kwose, adzinga muvengi wako. Jehovha, Mambo waIsraeri, anewe; hauzotyizve kuti ungakuvadzwa nechinhu chipi zvacho. Pazuva iro vachati kuJerusarema, “Usatya, iwe Zioni; usarega maoko ako achishayiwa simba. Jehovha Mwari wako anewe, ndiye ane simba rokuponesa. Achafadzwa zvikuru newe, achakunyaradza norudo rwake, achafara nokuda kwako nokuimba.” “Matambudziko emitambo yakatarwa ndichaabvisa kwauri; iwo mutoro nokuzvidzwa kwauri. Panguva iyoyo ndichatonga vose vakakumanikidza; ndichanunura vakaremara uye ndichaunganidza vaya vakaparadzirwa. Ndichavapa rumbidzo norukudzo munyika dzose dzavakaiswa pakunyadziswa. Panguva iyoyo ndichakuunganidzai; panguva iyoyo ndichakuuyisai kumusha. Ndichakupai rukudzo nerumbidzo pakati pavanhu vose vapanyika, pandichadzora pfuma yenyu muchizviona nameso enyu,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Zefania 3:14-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Imba, iwe mukunda weZioni, pururudza, iwe Isiraeri; fara ufarisise nomwoyo wako wose, iwe mukunda weJerusaremu. Jehovha akabvisa zvawakatongerwa, wakadzinga muvengi wako; mambo waIsiraeri, iye Jehovha, ari pakati pako, haungazoonizve zvakaipa. Nezuva iro vachati kuJerusaremu, ‘Usatya hako iwe; iwe Zioni, maoko ako ngaarege kushaiwa simba. Jehovha Mwari wako ari mukati mako, iye ane simba, achaponesa; achakufarira nomufaro; uchanyarara parudo rwake; achakufarira nokupururudza.’ Ndichaunganidza vanochemera ungano yakatarwa, ivo vaibva kwamuri, vairemerwa nokuzvidzwa kwavo. Tarirai, nenguva iyo ndichatonga vose vanokumanikidza, ndichaponesa vanokamhina, nokuunganidza vakadzingwa; ndichavaitira mbiri nezita rakanaka, ivo vainyadziswa panyika yose. Nenguva iyo ndichakuuyisai, nenguva iyo ndichakuunganidzai, nokuti ndichakuitirai zita rakanaka nembiri pakati pendudzi dzose dzenyika kana ndichidzosa kutapwa kwenyu, imi muchizviona ndizvo zvinotaura Jehovha.”
Zefania 3:14-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Imbisa zvikuru kwazvo iwe mukunda guta reZioni. Daidzira iwe Isiraeri. Pembera kufara nomwoyo wako wose iwe mukunda guta reJerusaremu! Tenzi abvisa kurangwa kwako kwakakumirira, vavengi vako avadzinga. Mambo weIsiraeri, Tenzi ari pakati pako hapana chakaipa chauchazotyazve. Nomusi iwoyo kuchanzi nezveJerusaremu, “Rega zvako kutya iwe Zioni rega zvako kurukutika maoko ako. Tenzi, Mwari wako ari mukati mako, murwi wehondo anoita kuti ukurire achakufarira zvikuru aine rufaro, achakumutsirudza murudo rwake achakupemberera achiimbisa zvikuru kwazvo sezvinoitwa pazuva guru.” “Ndichakubvisira nhamo pauri zvokuti hauzonyara nazvo. Chinzwa, panguva iyoyo, ndichaonana nevanokurwadzisa ndigonunura zvirema ndikokorodze vanosemwa. Ndichapindura kunyara kwavo ndichikuita kuti kuve kurumbidza kuzivikanwe pasi pose. “Panguva iyoyo ndichakudzorerai kumusha, panguva yacho yandinenge ndakuunganidzai pamwechete. Honguka ndichaita kuti muve nembiri nokurumbidzwa pakati pamarudzi ose avanhu vepanyika pandinenge ndokudzorerai kubudirira kwenyu muchitozviona.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Zefania 3:14-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Imba, iwe mukunda weZioni, pururudza, iwe Israeri; fara ufarisise nomŋoyo wako wose, iwe mukunda weJerusarema. Jehova wakabvisa ɀawakatoŋgerwa, wakadziŋga muʋeŋgi wako; mambo waIsraeri, iye Jehova, uri pakati pako, hauŋgazoʋoni ɀe ɀakaipa. Nezuʋa iro ʋacati kuJerusarema: Usatya hako iwe; iwe Zioni, maʋoko ako ŋgaarege kushaiwa simba. Jehova Mŋari wako uri mukati mako, iye unesimba, ucaponesa; ucakufarira nomufaro; ucanyarara paruɗo rwake; ucakufarira nokupururudza. Ndicaʋuŋganidza ʋanocemera ʋuŋgano yakatarwa, iʋo ʋaibva kwamuri, ʋairemerwa nokuɀidzwa kwaʋo. Tarirai, neŋguʋa iyo ndicatoŋga ʋose ʋanokumanikidza, ndicaponesa ʋanokamhina, nokuʋuŋganidza ʋakadziŋgwa; ndicaʋaitira mbiri nezita rakanaka, iʋo ʋainyadziswa panyika yose. Neŋguʋa iyo ndicakuʋuyisai, neŋguʋa iyo ndicakuʋuŋganidzai, nokuti ndicakuitirai zita rakanaka nembiri pakati pendudzi dzose dzenyika, kana ndicidzosa kutapxa kwenyu, imi muciɀiʋona — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Zefania 3:14-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)