Zefania 2:1-3
Zefania 2:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Unganai pamwe chete, unganai pamwe chete, imi rudzi runonyadzisa, nguva dzakatarwa dzisati dzasvika uye zuva iroro risati rapfuura sehundi, kutsamwa kukuru kwaJehovha kusati kwauya pamusoro penyu, zuva rehasha dzaJehovha risati rauya pamusoro penyu. Tsvakai Jehovha, imi mose vanyoro vapanyika, imi mose munoita zvaakarayira. Tsvakai kururama, tsvakai unyoro; zvimwe mungadzivirirwa pazuva rokutsamwa kwaJehovha.
Zefania 2:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Unganai, zvirokwazvo unganai, imi rudzi rusinganyari; chirevo chisati chabereka, zuva risati rapfuura sehundi, kutsamwa kukuru kwaJehovha kusati kwauya pamusoro penyu, zuva rokutsamwa kwaJehovha risati rauya pamusoro penyu. Tsvakai Jehovha, imi mose vanyoro venyika, imi makachengeta mitemo yake; tsvakai kururama, tsvakai unyoro; zvimwe mungavandika nezuva rokutsamwa kwaJehovha.
Zefania 2:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kokorodzanai muite musangano imi rudzi rwavanhu vasinganyari musati mapupurutsirwa kure sehundi iri kupepetswa imi musati mavirukirwa nehasha dzaTenzi musati mawirwa nezuva rehasha dzaTenzi. Tsvakai Tenzi, imi mose varombo venyika iyi vanotevedza mirao yake. Tsvakai kururama mutsvage kuzvininipisa, zvimwe mungahwandiswe pamusi wehasha dzaTenzi.
Zefania 2:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋuŋganai, ɀirokwaɀo ʋuŋganai, imi rudzi rusiŋganyari; cireʋo cisati caɓereka, zuʋa risati rapfuʋura sehundi, kutsamŋa kukuru kwaJehova kusati kwaʋuya pamsoro penyu, zuʋa rokutsamŋa kwaJehova risati raʋuya pamsoro penyu. Tȿakai Jehova, imi mose ʋanyoro ʋenyika, imi makaceŋgeta mitemo yake; tȿakai kururama, tȿakai ʋunyoro; ɀimŋe muŋgaʋandika nezuʋa rokutsamŋa kwaJehova.
Zefania 2:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)