Zefania 1:2,4
Zefania 1:2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ndichatsvaira zvose kubva pamusoro penyika,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Zefania 1:4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndichatambanudza ruoko rwangu kuti ndirwise Judha uye ndicharwisa vose vanogara muJerusarema. Ndichaparadza kubva panzvimbo ino vose vakasara vaBhaari, mazita avaprista vechihedheni vanonamata zvifananidzo
Zefania 1:2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ndichaparadza chose zvinhu zvose zviri pasi pose ndizvo zvinotaura Jehovha.
Zefaniya 1:4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ndichatambanudzira ruoko rwangu kuna Judha, nokuna vose vagere Jerusaremu; ndichabvisa vakasara vaBhaari panzvimbo ino, nezita ravaKemarimi pamwechete navapristi
Zefania 1:2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Ndichanyatsotsvaira kutopedza zvose zviri pamusoro payo nyika. Ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Zefaniya 1:4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Ndichasumudzira vokwaJudha shamhu yoruoko rwangu uye vagari veJerusaremu vose zvavo. Ndichatsakatisawo munzvimbo ino vokwaBhaari vakasara uye nezita revapristi vanonamata zvifananidzo.
Zefania 1:2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndicaparadza cose ɀinhu ɀose ɀiri pasi pose — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Zefania 1:4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndicatambanudzira ruʋoko rwaŋgu kunaJuda, nokunaʋose ʋagere Jerusarema; ndicabvisa ʋakasara ʋaBaari panɀimbo ino, nezita raʋaKemarimi pamŋe cete naʋaprista