Zekaria 6:15
Zekaria 6:15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Avo vari kure vachauya kuzobatsira kuvaka temberi yaJehovha, uye iwe uchaziva kuti Jehovha Wamasimba Ose andituma kwauri. Izvi zvichaitika kana ukateerera zvakanaka Jehovha Mwari wako.”
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zekaria 6Zekaria 6:15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Vari kure vachauya vachivaka temberi yaJehovha; ipapo muchaziva kuti Jehovha wehondo ndiye akanditumira kwamuri. Izvezvi zvichaitika kana muchiteerera zvakanaka izwi raJehovha Mwari wenyu.”
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zekaria 6Zekaria 6:15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vari kurewo vachauya kuzovaka Temberi yaTENZI. Ndipo pamuchazoziva kuti TENZI wehondo nehondo andituma kwamuri. Izvozvi zvichaitika kana mukanyatsoteerera izwi raTENZI, Mwari wenyu.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zekaria 6