Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Zekaria 3:1-10

Zekaria 3:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Ipapo akandiratidza Joshua muprista mukuru amire pamberi pomutumwa waJehovha, uye Satani amire kurudyi rwake kuti amupomere. Jehovha akati kuna Satani, “Jehovha ngaakutuke iwe, Satani! Jehovha, iye akasarudza Jerusarema, ngaakutuke! Ko, murume uyu haazi rukuni runobvira rwabvutwa mumoto here?” Zvino Joshua akanga akapfeka nguo dzine tsvina amire pamberi pomutumwa. Mutumwa akati kuna avo vakanga vamire pamberi pake, “Mubvisei nguo dzake dzine tsvina.” Ipapo akati kuna Joshua, “Tarira ndabvisa chivi chako, uye ndichakupfekedza nguo dzinokosha.” Ipapo ndakati, “Isai nguwani yakachena pamusoro wake.” Nokudaro vakamupfekedza nguwani yakachena pamusoro wake uye vakamupfekedza nguo, mutumwa waJehovha amirepo. Mutumwa waJehovha akarayira Joshua achiti, “Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: ‘Kana ukafamba nenzira dzangu uye ukachengeta mirayiro yangu, ipapo uchatonga imba yangu uye uchachengetawo mavazhe angu, uye ndichakupa nzvimbo pakati paava vakamira pano. “ ‘Teerera, iwe Joshua muprista mukuru navanobata pamwe chete newe vagere pamberi pako, varume ava vanova chiratidzo chezvinouya: Ndichauyisa muranda wangu, Davi. Tarirai ibwe randaisa pamberi paJoshua! Pane maziso manomwe pabwe rimwe chete iroro, uye ndichatema chinyorwa pariri,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose, ‘uye ndichabvisa chivi chenyika ino nezuva rimwe chete. “ ‘Pazuva iro mumwe nomumwe wenyu achakoka muvakidzani wake kuzogara pasi pomuzambiringa napasi pomuonde wake,’ ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zekaria 3

Zekaria 3:1-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino wakandiratidza Joshua mupristi mukuru, amire pamberi pomutumwa waJehovha, Satani amire paruoko rwake rworudyi, kuti ave mudzivisi wake. Jehovha akati kuna Satani, “Jehovha ngaakutuke, iwe Satani; zvirokwazvo, Jehovha, wakazvisanangurira Jerusaremu, ngaakutuke; ko ichi hachizi chitsika chakabvutwa pamoto here?” Zvino Joshua akanga akafuka nguo dzine tsvina, amire pamberi pomutumwa. Akapindura, akataura navakanga vamire pamberi pake, achiti, “Bvisai nguo dzake dzine tsvina.” Akati kwaari, “Tarira, ndakabvisa zvakaipa zvako, ndichakupfekedza nguo dzomutambo.” Ini ndikati, “Ngavamudzike ngoani yakachena pamusoro wake.” Ipapo vakamudzika ngoani yakachena pamusoro wake, vakamupfekedza nguo; zvino mutumwa waJehovha akanga amirepo. Mutumwa waJehovha akapupura kuna Joshua, achiti, “Zvanzi naJehovha wehondo, ‘Kana ukafamba nenzira dzangu, kana ukachengeta zvandakakuraira, ipapo uchatonga imba yangu, uye uchachengetawo mavazhe angu, ini ndichakupa mapindire pakati pavamire pano. Zvino chinzwa iwe Joshua, mupristi mukuru, iwe neshamwari dzako dzigere pamberi pako; nokuti varume ava chiratidzo; nokuti tarirai, ndichauyisa muranda wangu, davi. Nokuti tarirai ibwe randakaisa pamberi paJoshua; pabwe rimwe pana meso manomwe; tarirai, ndichatema runyoro rwaro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo ndichabvisa zvakaipa zvenyika iyo nezuva rimwe. Nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo muchadana mumwe nomumwe wenyu shamwari yake agare pasi pomudzambiringa napasi pomuonde.’ ”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zekaria 3

Zekaria 3:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Akazondiratidzawo Joshuwa mupristi mukuru amire mberi kwomutumwa waTENZI uye Satani amirewo kurudyi kwake kuti amupe mhosva. TENZI akati kuna Satani, “TENZI ngaakurange iwe Satani! TENZI nyakuzvisarudzira Jerusaremu ngaakurange! Handiti iyeyu chitsiga chakatoburwa mumoto here?” Izvozvo Joshuwa akanga akapfeka mbatya dzine tsvina amire pamberi pomutumwa. Mutumwa uya akataura kuna vaiva vakamira pamberi pake achiti, “Mupfekenurei hanzu dzine tsvina idzi.” Akatiwo kuna Joshuwa, “Tarira uone, ndakubvisa uipi hwako uye ndava kukushongedza hanzu yemandiriri.” Ini ndikati, “Ngavadzike Joshuwa ngundu yakachena mumusoro.” Saizvozvowo vakamudzika ngundu yakachena mumusoro vakamushongedza hanzu dzacho. Izvozvo mutumwa waTENZI aiva amire pedyo navo. Mutumwa waTENZI akakomekedza Joshuwa kuti: “Zvanzi naTENZI wehondo nehondo, kana ukatevedza nzira dzangu uchichengeta zvandakati uite uchatonga imba yangu uye nhandare dzangu dzichavawo mumaoko ako. Ndichakupawo mvumo yokupinda mukati mavanhu vamire pano. Chinzwa, zvino iwe mupristi mukuru Joshuwa, iyewe neshamwari dzako dzaugere nadzo sezvo vari chiratidzo cheramangwana rakanaka. Chinzwai, ndichaunza muranda wangu iye Bazi nokuti zvaunoona! Pabwe randakaisa pamberi paJoshuwa, pabwe rimwechete zvaro rine mativi manomwe, ndichaitapo zvokutemera zvinyorwa zvapo, ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo. Ndichabvisawo uipi hwenyika ino nezuva rimwechete chairo. Pamusi iwoyo, ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo, mumwe nomumwe wenyu achakoka waakagarisana naye kuzotandara pasi pomugirepisi wake napasi pomukuyu wake.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zekaria 3

Zekaria 3:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino wakandiratidza Joshua muprista mukuru, amire pamberi pomutumŋa waJehova, Satani amire paruʋoko rwake rworudyi, kuti aʋe mudziʋisi wake. Jehova akati kunaSatani: Jehova ŋgaakutuke, iwe Satani; ɀirokwaɀo, Jehova, wakaɀisanaŋgurira Jerusarema, ŋgaakutuke; ko ici hacizi citsika cakabvutwa pamŋoto here? Ɀino Joshua wakaŋga akafuka ŋguʋo dzinetȿina, amire pamberi pomutumŋa. Akapindura, akataura naʋakaŋga ʋamire pamberi pake, aciti: Bvisai ŋguʋo dzake dzinetȿina. Akati kwaari: Tarira, ndakabvisa ɀakaipa ɀako, ndicakupfekedza ŋguʋo dzomutambo. Ini ndikati: Ŋgaʋamudzike ŋgoani yakacena pamusoro wake. Ipapo ʋakamudzika ŋgoani yakacena pamusoro wake, ʋakamupfekedza ŋguʋo; ɀino mutumŋa waJehova wakaŋga amire’po. Mutumŋa waJehova akapupura kunaJoshua, aciti: Ɀanzi naJehova wehondo: Kana ukafamba nenzira dzaŋgu, kana ukaceŋgeta ɀandakakuraira, ipapo ucatoŋga imba yaŋgu, ʋuye ucaceŋgeta ʋo maʋazhe aŋgu, ini ndicakupa mapindire pakati paʋamire pano. Ɀino cinzwa iwe Joshua, muprista mukuru, iwe neshamŋari dzako dzigere pamberi pako; nokuti ʋarume aʋa ciratidzo; nokuti tarirai, ndicaʋuyisa muranda waŋgu, Ƌaʋi. Nokuti tarirai ibge randakaisa pamberi paJoshua; pabge rimŋe panameso manomŋe; tarirai, ndicatema runyoro rwaro — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — ndicabvisa ɀakaipa ɀenyika iyo nezuʋa rimŋe. Nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — mucaɗana mumŋe nomumŋe wenyu shamŋari yake agare pasi pomuzambiriŋga napasi pomuʋonde.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Zekaria 3

Zekaria 3:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)