Zekaria 14:8-16
Zekaria 14:8-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pazuva iroro mvura mhenyu ichayerera ichibuda muJerusarema, hafu kugungwa rokumabvazuva uye imwe hafu kugungwa rokumadokero, muzhizha nomuchando. Jehovha achava mambo panyika yose. Pazuva iroro pachava naJehovha mumwe chete, uye zita rake rigova zita rimwe chete roga. Nyika yose kubva kuGebha kusvikira kuRimoni, nechezasi kweJerusarema, ichava seArabha. Asi Jerusarema richasimudzirwa rigogara panzvimbo paro, kubva kuSuo raBhenjamini kusvikira kuSuo Rokutanga, kusvikirawo kuSuo Repakona, uye kubva kuShongwe yaHananeri kusvikira kuzvisviniro zvewaini zvamambo. Ichagarwa; haichazoparadzwizve. Jerusarema richachengetedzeka. Iri ndiro denda Jehovha raacharova naro ndudzi dzose dzakarwisa Jerusarema: Nyama yavo ichaora vachakamira namakumbo avo, maziso avo achaorera mumakomba awo, uye rurimi rwomumwe nomumwe wavo ruchaorera mumukanwa make. Pazuva iroro varume vacharohwa naJehovha nokutya kukuru. Murume mumwe nomumwe achabata ruoko rwomumwe wake, vagorwisana. Judhawo icharwa paJerusarema. Upfumi hwendudzi dzose dzakakomberedza Jerusarema huchatorwa, goridhe rakawanda, sirivha yakawanda nenguo zhinji. Denda rakafanana nairori richarova mabhiza namanyurusi, ngamera nembongoro, uye nezvipfuwo zvose zviri mumisasa iyoyo. Ipapo vachararama kubva kundudzi dzose dzakarwisa Jerusarema vachaenda gore negore kundonamata Mambo, Jehovha Wamasimba Ose, uye nokundopemberera Mutambo waMatumba.
Zekaria 14:8-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino nezuva iro mvura mhenyu zhinji ichabuda muJerusaremu; imwe hafu yayo ichayerera kugungwa rokumabvazuva, imwe hafu yayo kugungwa rokumavirazuva; zvichaitwa pazhizha napachando. Jehovha achava Mambo wenyika yose; nezuva iro Jehovha achava mumwechete, nezita rake rimwechete. Nyika yose ichaita sebani, zvichibva Gebha kusvikira paRimoni, kurutivi rwezasi rweJerusaremu; iro richakwiridzwa, richagara panzvimbo yaro, kubva pasuo raBhenjamini kusvikira kunzvimbo yesuo rokutanga, kusvikira kusuo rekona, nokubva kurutura rwaHananeri kusvikira kuzvishiro zvewaini zvamamabo. Vanhu vachagaramo; kutukwa hakungazovipo, asi Jerusaremu richagara rakachengetwa. Uku ndiko kurova Jehovha kwaacharova nako ndudzi dzose dzavanhu vakarwa neJerusaremu, nyama yavo ichaora vamire namakumbo avo, meso avo achaorera mumakomba awo, norurimi rwavo ruchaorera mumiromo yavo. Zvino nezuva iro kunyonganiswa kukuru kunobva kuna Jehovha kuchavapo pakati pavo; mumwe nomumwe achabata ruoko rwowokwake, uye ruoko rwake ruchasimudzirwa ruoko rwowokwake. Judha vacharwawo paJerusaremu; pfuma yendudzi dzose dzavanhu vakapoteredza ichaunganidzwa, inoti ndarama, nesirivha, nenguo, zvizhinji kwazvo. Sezvakaita kurohwa uku, ndizvo zvichaitawo kurohwa kwamabhiza namahesera, nengamera, nembongoro, nezvipfuwo zvose zvichavapo pamisasa iyo. Zvino vose vakasara vendudzi dzose dzakarwa neJerusaremu, vachakwira gore rimwe nerimwe kundonamata Mambo, iye Jehovha wehondo, nokutamba mutambo wamatumba.
Zekaria 14:8-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pazuva iroro mvura mhenyu ichayerera ichibva muJerusaremu imwe ichayerera kumabvazuva imwe ichiyerera kumadokero. Icharamba ichingodaro zhizha napachando. TENZI achava mambo wapasi pose. Pazuva iroro TENZI achave ndiye oga; zita rake richingova ndiro rimwechetero. Nyika yose ichapindutswa kuva bani kubvira kuGebha kusvika kuRimoni kumaodzanyemba eJerusaremu. Asi guta reJerusaremu richaramba rakangoti kangarara, richibvira kusuo guru rokwaBhenjamini kusvika kusuo guru rakare riya, zvichinosvikawo kusuo guru repakona; zvichibvawo panharire yokwaHananeri kusvika kuguvi ramambo rewaini. Richange rakagarwa navanhu risisina zvokutsaurirwa kuparadzwa. Jerusaremu richagara murunyararo. Iri ndiro denda richapiwa naTENZI kuvanhu vanozoita hondo neJerusaremu: Nyama yavo ichaora ivo vachiri kufamba. Maziso avo achaora mumahobi avo uye rurimi rwavo ruchaora mukanwa mavo. Panguva iyoyo TENZI achapazamisa vanhu musoro zvokuti munhu achangoti ruoko rwomumwe ndu–u mumwewo iyeyo ruokowo runenge rwatova mudenga kare rwokurwisana naye. Judha chaiyo icharwisana neJerusaremu. Upfumi hwamarudzi akatenderedza ose huchaunganidzwa hunoti ndarama nesirivha namatutu–matutu ezvokupfeka. Denda rimwechetero richawirawo mabhiza namanyurusi nengamera namadhongi nedzimwewo mhuka dzingange dziri pamatendhe iwayo. Ipapo vanenge vasara pamarudzi ose anouya kuzorwisa Jerusaremu, munhu wose achaenda kuJerusaremu kundonamata Mambo, TENZI wehondo nehondo uye kuzochengeta mazuva makuru amatumba.
Zekaria 14:8-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino nezuʋa iro mvura mhenyu zhinji icaɓuɗa muJerusarema; imŋe hafu yayo icayerera kuguŋgwa rokumabvazuʋa, imŋe hafu yayo kuguŋgwa rokumaʋirazuʋa; ɀicaitwa pazhezha napacando. Jehova ucaʋa Mambo wenyika yose; nezuʋa iro Jehova ucaʋa mumŋe cete, nezita rake rimŋe cete. Nyika yose icaita seɓani, ɀicibva Geba kuȿikira paRimoni, kurutiʋi rwezasi rweJerusarema; iro ricakwiridzwa, ricagara panɀimbo yaro, kubva pasuʋo raBenjamini kuȿikira kunɀimbo yesuʋo rokutaŋga, kuȿikira kusuʋo rekona, nokubva kurutura rwaHananeri kuȿikira kuɀiȿiniro ɀewaini ɀamambo. Ʋanhu ʋacagara’mo; kutukwa hakuŋgazoʋi’po, asi Jerusarema ricagara rakaceŋgetwa. Uku ndiko kuroʋa Jehova kwaacaroʋa nako ndudzi dzose dzaʋanhu dzakarwa neJerusarema: nyama yaʋo icaʋora ʋamire namakumbo aʋo, meso aʋo acaʋorera mumakomba awo, norurimi rwaʋo rucaʋorera mumiromo yaʋo. Ɀino nezuʋa iro kunyoŋganiswa kukuru kunobva kunaJehova kucaʋa’po pakati paʋo; mumŋe nomumŋe ucaɓata ruʋoko rwowokwake, ʋuye ruʋoko rwake rucasimudzirwa ruʋoko rwowokwake. Juda ʋacarwa ʋo paJerusarema; fuma yendudzi dzose dzaʋanhu ʋakapoteredza icaʋuŋganidzwa, inoti ndarama, nesirveri, neŋguʋo, ɀizhinji kwaɀo. Seɀakaita kurobga uku, ndiɀo ɀicaita ʋo kurobga kwamabiza namahesera, namakamera, nemboŋgoro, neɀipfuwo ɀose ɀicaʋa’po pamisasa iyo. Ɀino ʋose ʋakasara ʋendudzi dzose dzakarwa neJerusarema, ʋacakwira gore rimŋe nerimŋe kundonamata Mambo, iye Jehova wehondo, nokutamba mutambo wamatumba.
Zekaria 14:8-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)