Zekaria 14:1-5
Zekaria 14:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zuva raJehovha richauya zvawakapamba pazvichagoverwa pakati penyu. Ndichaunganidza ndudzi dzose kuJerusarema kuti dzirwise; guta richatorwa, dzimba dzigopambwa, uye vakadzi vachachinyiwa. Hafu yeguta ichatapwa, asi vamwe vanhu vose havazobviswi muguta. Ipapo Jehovha achabuda kuti andorwisa ndudzi idzodzo, sokurwa kwaanoita pazuva rehondo. Pazuva iroro tsoka dzake dzichamira paGomo reMiorivhi, kumabvazuva kweJerusarema, uye Gomo reMiorivhi richapamuka napakati kubva kumabvazuva kusvikira kumadokero, pagoita mupata mukuru kwazvo, imwe hafu yegomo ichatsedukira kurutivi rwokumusoro uye imwe hafu ichatsedukira zasi. Muchatiza nomumupata wegomo rangu, nokuti uchasvika kuAzeri. Muchatiza sokutiza kwamakaita pakudengenyeka kwenyika pamazuva aUzia mambo weJudha. Ipapo Jehovha Mwari wangu achauya, uye navatsvene vose pamwe chete naye.
Zekaria 14:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Tarirai, zuva raJehovha rinosvika, nenguva iyo zvawakapamba zvichagoverwa mukati mako. Nokuti ndichaunganidza ndudzi dzose dzavanhu kuzorwa neJerusaremu; guta richakundwa, dzimba dzichapambwa, navakadzi vavo vachachinyiwa; hafu yeguta vachatapwa, asi vakasara vavanhu havangabviswi muguta. Ipapo Jehovha achabuda, ndokurwa nendudzi idzedzo, sezvaakarwa nezuva rehondo. Nezuva iro tsoka dzake dzichamira pagomo reMiorivhi, riri pamberi peJerusaremu kurutivi rwamabvazuva; gomo reMiorivhi richapamuka napakati, zvichibva kumabvazuva zvichienda kumavirazuva, kukavapo mupata mukuru kwazvo; imwe hafu yegomo ichatsedukira kurutivi rwokumusoro, imwe hafu yaro kurutivi rwezasi. Muchatiza nomumupata wamakomo angu, nokuti mupata wamakomo uchandosvika paAzeri; zvirokwazvo muchatiza, sezvamakatiza kudengenyeka kwenyika pamazuva aUziya mambo waJudha; ipapo Jehovha Mwari wangu achauya, navatsvene vose pamwechete newe.
Zekaria 14:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chinzwa zuva raTENZI riri kuuya rokuti zvinhu zvinenge zvapambwa zvichagovanwa makatarisa. Chiripo ndechokuti ndichakokorodza marudzi ose kuzorwisa Jerusaremu. Jerusaremu richakurirwa, dzimba dzigopambwa, vakadzi vachibhinywa. Hafu yeguta irori ichaendwa nayo kuutapwa. Vanhu vanenge vasara havazoparara muguta. TENZI ndipo paachandorwisa marudzi iwayo sokurwisa kwaanoita pazuva rehondo. Pamusi iwoyo iye achanoti dzi kumira kugomo reMuorivhi riri pakatarisana neJerusaremu kumabvazuva. Gomo reMuorivhi richakamuraniswawo napakati muzvikamu zviviri kubva kumabvazuva zvichienda kumadokero richakamuraniswa nebani guru. Chimwe chikamu chichaenda kuchamhembe chimwe chikamu chichienda kumaodzanyemba. Bani iroro rinenge riri pakati pezvikomo richavharwa. Richavharwa kusvika kuJasori. Richavharwa sokuvharwa kwarakaitwa nokundengendeka kwenguva yaUziya mambo wokwaJudha. TENZI Mwari wangu ndipo paachauya pamwechete navarurami vose.
Zekaria 14:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tarirai, zuʋa raJehova rinoȿika, neŋguʋa iyo ɀawakapamba ɀicagoʋerwa mukati mako. Nokuti ndicaʋuŋganidza ndudzi dzose dzaʋanhu kuzorwa neJerusarema; guta ricakundwa, dzimba dzicapambga, naʋakadzi ʋaʋo ʋacacinyiwa; hafu yeguta ʋacatapxa, asi ʋakasara ʋaʋanhu haʋaŋgabviswi muguta. Ipapo Jehova ucaɓuɗa, ndokurwa nendudzi idzedzo, seɀaakarwa nezuʋa rehondo. Nezuʋa iro tsoka dzake dzicamira pagomo reMiorivi, riri pamberi peJerusarema kurutiʋi rwamabvazuʋa; gomo reMiorivi ricapamuka napakati, ɀicibva kumabvazuʋa ɀicienda kumaʋirazuʋa, kukaʋa’po mupata mukuru kwaɀo; imŋe hafu yegomo icatseɗukira kurutiʋi rwokumsoro, imŋe hafu yaro kurutiʋi rwezasi. Mucatiza nomumupata wamakomo aŋgu, nokuti mupata wamakomo ucandoȿika paAzeri; ɀirokwaɀo mucatiza, seɀamakatiza kuɗeŋgenyeka kwenyika pamazuʋa aUzia mambo waJuda; ipapo Jehova Mŋari waŋgu ucaʋuya, naʋatȿene ʋose pamŋe cete newe.
Zekaria 14:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)