Zekaria 13:7-9
Zekaria 13:7-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Muka, iwe munondo, urwise mufudzi, urwise munhu ari pedyo neni!” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Rova mufudzi, makwai agopararira, uye ndichasimudza ruoko rwangu kuti rurwise madiki acho. Munyika yose,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “zvikamu zviviri muzvitatu zvichaurayiwa zvigoparara; asi chikamu chimwe chete muzvitatu ndicho chichasaramo. Chikamu chimwe chete ichochi muzvitatu ndichachiisa mumoto; ndichavanatsa sesirivha uye ndichavaedza segoridhe. Vachadana kuzita rangu uye ndichavapindura; ndichati, ‘Ndivo vanhu vangu.’ Uye ivo vachati, ‘Jehovha ndiye Mwari wedu.’ ”
Zekaria 13:7-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Muka, iwe munondo, urwe nomufudzi wangu, uye munhu shamwari yangu, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; rova mufudzi, makwai agoparadzirwa; ini ndichatambanudzira ruoko rwangu kuvaduku. “Zvino munyika yose ndizvo zvinotaura Jehovha migove miviri ichaparadzwa ndokufa; asi wechitatu acharegwamo. Mugove wechitatu ndichaupinza mumoto, ndichavanatsa sezvinonatswa sirivha, ndichavaidza sezvinoidzwa ndarama. Vachadana zita rangu, ini ndichavanzwa; ini ndichati, ‘Ndivo vanhu vangu,’ ivo vachati, ‘Jehovha ndiMwari wangu.’ ”
Zekaria 13:7-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
TENZI wehondo nehondo anoti, “Muka iwe bakatwa umukire mufudzi wangu umukire akabatana neni, rova mufudzi, hwai dzipararire. Hwayana dzacho ndichadzisimudzira shamhu. Zvanzi naTENZI munyika yose zvayo vaviri pavatatu vacharakatiswa kufa. Mumwechete pavatatu ndiye achararama. Chikamu chavanhu chechitatu ichocho ndichachipinza mumoto, vanhu ivava ndichavachenesa sesirivha. Ndichavaedza sokuedzwa kunoitwa ndarama vachadana nezita rangu; ini ndichavapindura. Ndichiti, ‘Ava vanhu vangu.’ Ivowo vachati, ‘TENZI ndiye Mwari wedu.’ ”
Zekaria 13:7-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Muka, iwe munondo, urwe nomufudzi waŋgu, ʋuye nomunhu shamŋari yaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo; roʋa mufudzi, makwai agoparadzirwa; ini ndicatambanudzira ruʋoko rwaŋgu kuʋaɗuku. Ɀino munyika yose — ndiɀo ɀinotaura Jehova — migoʋe miʋiri icaparadzwa ndokufa; asi wecitatu ucaregwa’mo. Mugoʋe wecitatu ndicaupinza mumŋoto, ndicaʋanatsa seɀinonatswa sirveri, ndicaʋaidza seɀinoidzwa ndarama. Ʋacaɗana zita raŋgu, ini ndicaʋanzwa; ini ndicati: Ndiʋo ʋanhu ʋaŋgu, iʋo ʋacati: Jehova ndiMŋari waŋgu.
Zekaria 13:7-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)