Zekaria 13:1-9
Zekaria 13:1-9 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Pazuva iro imba yaDhavhidhi navagari vomuJerusarema, vachadziurirwa chitubu kuti vanatswe kubva pachivi nokusachena. “Pazuva iro, ndichabvisa mazita ezvifananidzo panyika, uye haangazorangarirwizve,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose! “Ndichabvisa zvose vaprofita nemweya wokusachena panyika. Uye kana pana ani zvake acharamba achiprofita, baba vake namai vake vakamubereka, vachati kwaari, ‘Unofanira kufa, nokuti wakareva nhema muzita raJehovha.’ Paachaprofita, vabereki vake vachamubaya. “Pazuva iro muprofita mumwe nomumwe achanyara nokuda kwechiratidzo chechiprofita chake. Haangazopfeki nguo yemvere yomuprofita kuti anyengere. Achati, ‘Handisi muprofita. Ndiri murimi; ivhu ndiwo upenyu hwangu kubva pauduku hwangu.’ Kana mumwe munhu akamubvunza achiti, ‘Maronda aya ari pamuviri wako ndeeiko?’ achapindura achiti, ‘Maronda andakakuvadzwa paimba yeshamwari dzangu.’ “Muka, iwe munondo, urwise mufudzi, urwise munhu ari pedyo neni!” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Rova mufudzi, makwai agopararira, uye ndichasimudza ruoko rwangu kuti rurwise madiki acho. Munyika yose,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “zvikamu zviviri muzvitatu zvichaurayiwa zvigoparara; asi chikamu chimwe chete muzvitatu ndicho chichasaramo. Chikamu chimwe chete ichochi muzvitatu ndichachiisa mumoto; ndichavanatsa sesirivha uye ndichavaedza segoridhe. Vachadana kuzita rangu uye ndichavapindura; ndichati, ‘Ndivo vanhu vangu.’ Uye ivo vachati, ‘Jehovha ndiye Mwari wedu.’ ”
Zekaria 13:1-9 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Nezuva iro imba yaDhavhidhi navagere Jerusaremu vachadziurirwa tsime, rokusuka zvivi netsvina. Zvino nezuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo, “Ndichabvisa mazita ezvifananidzo panyika, arege kuzorangarirwa; ndichabudisawo vaporofita nemweya yetsvina panyika.” Zvino kana ani naani achiporofita, baba vake namai vake, vakamubereka, vachati kwaari, “Haungararami, nokuti unoreva nhema nezita raJehovha; baba vake namai vake, vakamubereka, vachabvovora kana achiporofita. Zvino nezuva iro vaporofita vachanyadziswa mumwe nomumwe nechaanoona, kana achiporofita, havangapfeki nguo yemvere vachiti tinonyengera vanhu; asi achati, ‘Handizi muporofita, ndiri murimi wevhu; nokuti ndakaitwa muranda kubva pauduku hwangu.’ “Kana mumwe akati kwaari, ‘Ko mavanga awa ari pakati pezvanza zvako ndeeiko?’ Ipapo achapindura, achiti, ‘Ndipo pandakakuvadzwa mumba meshamwari dzangu.’ ” “Muka, iwe munondo, urwe nomufudzi wangu, uye munhu shamwari yangu, ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo; rova mufudzi, makwai agoparadzirwa; ini ndichatambanudzira ruoko rwangu kuvaduku. “Zvino munyika yose ndizvo zvinotaura Jehovha migove miviri ichaparadzwa ndokufa; asi wechitatu acharegwamo. Mugove wechitatu ndichaupinza mumoto, ndichavanatsa sezvinonatswa sirivha, ndichavaidza sezvinoidzwa ndarama. Vachadana zita rangu, ini ndichavanzwa; ini ndichati, ‘Ndivo vanhu vangu,’ ivo vachati, ‘Jehovha ndiMwari wangu.’ ”
Zekaria 13:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Panguva iyoyo imba yaDhavhidhi navagari veJerusaremu vachazarurirwa chisipiti chokuvashambidza zvitadzo zvavo nokun'ora kwavo. “Pazuva iroro,” ndizvo zviri kutaura TENZI wehondo nehondo, “Ndichaparadza munyika zvifananidzo zvokunamata zvokuti hazvizombofa zvakarangarirwazve. Uye ndichabvisa munyika vaporofita nemweya yakaipa. Pakabudawo munhu ava kuti muporofita, baba naamai vake vokumubereka chaivo vachamuti haufaniri kurarama nokuti uri kutaura nhema muzita raTENZI. Baba naamai vakamubereka chaivo vachamubaya kana akaporofita. Pazuva iroro muporofita ari wose achanyara nezvaanooneswa paanenge achiporofita. Haazopfeki zijari rine mvere rokunyengedza naro vanhu, asi anenge ava kutoti handisi muporofita ini, ndiri murimiwo zvangu nokuti kubvira pauduku hwangu changa chiri changu ivhu. Kana munhu akamubvunza kuti, ‘Ko maronda ari pamusana pako ndeei?’ Iye achati, ‘Ndakaawana mumba meshamwari dzangu.’ ” TENZI wehondo nehondo anoti, “Muka iwe bakatwa umukire mufudzi wangu umukire akabatana neni, rova mufudzi, hwai dzipararire. Hwayana dzacho ndichadzisimudzira shamhu. Zvanzi naTENZI munyika yose zvayo vaviri pavatatu vacharakatiswa kufa. Mumwechete pavatatu ndiye achararama. Chikamu chavanhu chechitatu ichocho ndichachipinza mumoto, vanhu ivava ndichavachenesa sesirivha. Ndichavaedza sokuedzwa kunoitwa ndarama vachadana nezita rangu; ini ndichavapindura. Ndichiti, ‘Ava vanhu vangu.’ Ivowo vachati, ‘TENZI ndiye Mwari wedu.’ ”
Zekaria 13:1-9 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nezuʋa iro imba yaDavidi naʋagere Jerusarema ʋacadziʋurirwa tsime, rokusuka ɀiʋi netȿina. Ɀino nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo — ndicabvisa mazita eɀifananidzo panyika, arege kuzoraŋgarirwa; ndicaɓuɗisa ʋo ʋaprofita nemŋeya yetȿina panyika. Ɀino kana aninani aciprofita, ɓaɓa ʋake namai ʋake, ʋakamuɓereka, ʋacati kwaari: Hauŋgararami, nokuti unoreʋa nhema nezita raJehova; ɓaɓa ʋake namai ʋake, ʋakamuɓereka, ʋacamubvoʋora kana aciprofita. Ɀino nezuʋa iro ʋaprofita ʋacanyadziswa mumŋe nomumŋe necaanoʋona, kana aciprofita, haʋaŋgapfeki ŋguʋo yemvere ʋaciti tinonyeŋgera ʋanhu; asi ucati: Handizi muprofita, ndiri murimi wevu; nokuti ndakaitwa muranda kubva paʋuɗuku bgaŋgu. Kana mumŋe akati kwaari: Ko maʋaŋga awa ari pakati peɀanza ɀako ndeeiko? Ipapo ucapindura, aciti: Ndi’po pandakakuʋadzwa mumba meshamŋari dzaŋgu. Muka, iwe munondo, urwe nomufudzi waŋgu, ʋuye nomunhu shamŋari yaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova wehondo; roʋa mufudzi, makwai agoparadzirwa; ini ndicatambanudzira ruʋoko rwaŋgu kuʋaɗuku. Ɀino munyika yose — ndiɀo ɀinotaura Jehova — migoʋe miʋiri icaparadzwa ndokufa; asi wecitatu ucaregwa’mo. Mugoʋe wecitatu ndicaupinza mumŋoto, ndicaʋanatsa seɀinonatswa sirveri, ndicaʋaidza seɀinoidzwa ndarama. Ʋacaɗana zita raŋgu, ini ndicaʋanzwa; ini ndicati: Ndiʋo ʋanhu ʋaŋgu, iʋo ʋacati: Jehova ndiMŋari waŋgu.
Zekaria 13:1-9 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)