Zekaria 12:6
Zekaria 12:6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Pazuva iro ndichaita kuti vatungamiri veJudha vaite segango pakati pehuni, uye sezhenje romoto pakati pezvisote. Vachaparadza kurudyi nokuruboshwe ndudzi dzose dzavanhu vakapoteredza, asi Jerusarema richaramba riri panzvimbo paro.
Zekaria 12:6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Nezuva iro ndichaita madzishe aJudha segango romoto pakati pehuni, uye sezhenje romoto pakati pezvisote; vachaparadza ndudzi dzose dzavanhu vakapoteredza, kuruoko rworudyi nokuruoko rworuboshwe; veJerusaremu vachagarazve panzvimbo yavo, ipo paJerusaremu.
Zekaria 12:6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Panguva iyoyo ndichaita kuti mhuri dzokwaJudha dzinge choto zvacho chomoto musango, sezhenje romoto mumashanga. Vacharakatisa vanhu uku nokuku nharaunda yose. Izvozvo Jerusaremu, vagari varo rinenge richinavo, imomu muJerusaremu.
Zekaria 12:6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nezuʋa iro ndicaita madzishe aJuda segaŋgo romŋoto pakati pehuni, ʋuye sezhenje romŋoto pakati peɀisote; ʋacaparadza ndudzi dzose dzaʋanhu ʋakapoteredza, kuruʋoko rworudyi nokuruʋoko rworuɓoshwe; ʋeJerusarema ʋacagara ɀe panɀimbo yaʋo, ipo paJerusarema.
Zekaria 12:6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)