Zekaria 12:1-4
Zekaria 12:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Iri ndiro shoko raJehovha pamusoro peIsraeri. Jehovha, iye anotatamura matenga, anoteya nheyo dzenyika, uye anoumba mweya womunhu uri mukati make, anoti: “Ndichaita kuti Jerusarema rive mukombe uchadzedzeresa ndudzi dzose dzavanhu vakapoteredza. Judha ichakombwa pamwe chete neJerusarema. Pazuva iro, ndudzi dzose dzenyika padzichaungana kuti dzirirwise, ndichaita kuti Jerusarema rive ibwe risingazungunuswi kundudzi dzose. Vose vachaedza kurizungunusa vachazvikuvadza. Pazuva iro ndicharova bhiza rimwe nerimwe nokutya uye mutasvi waro nokupenga,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndicharamba ndakatarira paimba yaJudha, asi ndichapofumadza mabhiza ose endudzi.
Zekaria 12:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Chirevo cheshoko raJehovha pamusoro paIsiraeri. Zvanzi naJehovha, iye anotamura denga rose, anoteya nheyo dzenyika, nokuumba mweya womunhu mukati make, “Tarirai, ndichaita Jerusaremu mukombe wokudzedzeresa ndudzi dzose dzavanhu vakapoteredza; uchavawo pamusoro paJudha pakukombwa kweJerusaremu. Nezuva iro ndichaita Jerusaremu ibwe rinoremedza ndudzi dzose dzavanhu; vose vanozvitakudza iro vachakuvadzwa kwazvo; ndudzi dzose dzenyika dzichariunganira kuzorwa naro. Nezuva iro ndizvo zvinotaura Jehovha ndicharova bhiza rimwe nerimwe nokutya, nomutasvi waro nokupenga; ndichasvinudzira imba yaJudha meso angu, nokurova bhiza rimwe nerimwe rendudzi dzavanhu nokupofumara.
Zekaria 12:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Shoko raTENZI rinotaura nezveIsiraeri kuti, zvanzi naTENZI, iye akawarira matenga akaita nyika, iye akasika mweya uri mumunhu anoti, “Chionai, ini ndava kuzoita kuti Jerusaremu rive mukombe unotenderedza musoro kuvanhu vari munharaunda yaro. Ichavawo nhamo yawira vokwaJudha panokombwa Jerusaremu ipapo. Zvichazoitika kuti pazuva iroro ndichaita kuti Jerusaremu ringe dombo rinorema kuvanhu vose. Vose vanorisimudza vachakuvara zvakanyanya. Asi marudzi ose apanyika achauya kuzorikomberana. Pazuva iroro, ndizvo zviri kutaura TENZI, ndichapandutsa bhiza riri rose nokutya, vatasvi vawo ndichivapengesa. Ndichatarira vemba yokwaJudha asi mabhiza avamarudzi ndichaapofomadza.
Zekaria 12:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Cireʋo ceshoko raJehova pamsoro paIsraeri. Ɀanzi naJehova, iye unotatamura ɗeŋga rose, unoteya nheyo dzenyika, nokuʋumba mŋeya womunhu mukati make: Tarirai, ndicaita Jerusarema mukombe wokudzedzeresa ndudzi dzose dzaʋanhu ʋakapoteredza; ucaʋa ʋo pamsoro paJuda pakukombga kweJerusarema. Nezuʋa iro ndicaita Jerusarema ibge rinoremedza ndudzi dzose dzaʋanhu; ʋose ʋanoɀitakudza iro ʋacakuʋadzwa kwaɀo; ndudzi dzose dzenyika dzicariʋuŋganira kuzorwa naro. Nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndicaroʋa biza rimŋe nerimŋe nokutya, nomutaȿi waro nokupeŋga; ndicaȿinudzira imba yaJuda meso aŋgu, nokuroʋa biza rimŋe nerimŋe rendudzi dzaʋanhu nokupofumara.
Zekaria 12:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)