Zekaria 11:4-5
Zekaria 11:4-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvanzi naJehovha Mwari wangu: “Fudzai makwai akagadzirirwa kundobayiwa. Vatengi vawo vanoabaya vagoenda nawo vasina kurangwa. Avo vanoatengesa vanoti, ‘Jehovha ngaakudzwe, ndapfuma!’ Vafudzi vawo havangaaponesi.
Zekaria 11:4-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvanzi naJehovha Mwari wangu, “Fudza makwai anozourawa; iwo anourawa navana vawo, vasine mhosva; vanoatengesa vanoti, ‘Jehovha ngaavongwe, nokuti ndakapfuma;’ vafudzi vawo havane tsitsi nawo.”
Zekaria 11:4-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvanzi naTENZI, Mwari wangu, “Iva zvako mufudzi wedanga rezvipfuwo zvakatemerwa kuuraiwa. Vanenge vadzitenga vanodziuraya voenda havo vasina kurangwa, uye vanodzitengesa vanotozviti, ‘TENZI ngaarumbidzwe!’ Ndazopfuma ini, uye vafudzi vavo chaivoivo havana tsitsi navo.
Zekaria 11:4-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀanzi naJehova Mŋari waŋgu: Fudza makwai anozoʋurawa; iwo anoʋurawa naʋene ʋawo, ʋasinemhoȿa; ʋanoateŋgesa ʋanoti: Jehova ŋgaaʋoŋgwe, nokuti ndakafuma; ʋafudzi ʋawo haʋanetsitsi nawo.
Zekaria 11:4-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)