Zekaria 10:2
Zekaria 10:2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvifananidzo zvinotaura zvounyengeri, vavuki vanoona zviratidzo zvenhema; vanotaura zviroto zvenhema, vanopa varaidzo pasina. Nokudaro vanhu vanodzungaira samakwai anomanikidzwa nokuda kwokushayiwa mufudzi.
Zekaria 10:2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti terafimi dzakataura zvisina maturo, vawuki vakaona nhema, vakaudza vanhu kurota kwenhema, vanovaraidza pasina; saka vanozviindira samakwai, vanotambudzika nokushaiwa mufudzi.
Zekaria 10:2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chandinodariro ndechokuti zvifananidzo zvokunamata zvinongowawata nhema zvadzo, uye vashoperi vanoona zvamanyepo, varotiwo vachirotomoka zvenhema vachinyaradza vanhu zvokungovabata kumeso chete. Nezvo vanhu vanodzungaira sehwai vanotambura nokushaya mufudzi.
Zekaria 10:2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti terafimi dzakataura ɀisinamaturo, ʋaʋuki ʋakaʋona nhema, ʋakaʋudza ʋanhu kurota kwenhema, ʋanoʋaraidza pasina; saka ʋanoɀiindira samakwai, ʋanotambudzika nokushaiwa mufudzi.
Zekaria 10:2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)