Tito 3:9-11
Tito 3:9-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi unzvenge mibvunzo youpenzi nenhoroondo dzamazita amadzitateguru, negakava nokukakavara pamusoro pomurayiro, nokuti izvi hazvina maturo uye hazvibatsiri. Yambira munhu anotsausa kokutanga uye ugomuyambirazve kechipiri. Mushure mezvo usava nechokuita naye. Uve nechokwadi chokuti munhu akadaro akatsauka uye mutadzi; akazvirasa iye amene.
Tito 3:9-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
asi unzvenge mibvunzo youpenzi, namazita amadziteteguru, negakava, nokukakavara pamusoro pomurayiro, nokuti hazvina maturo, hazvine basa. Munhu anodzidzisa zvakatsauka, kana arayirwa kamwe norwechipiri, umurambe, zvaunoziva kuti akadaro akatsauka, anotadza, azvipa mhosva amene.
Tito 3:9-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi iwe nzvenga nharo dzoupenzi dzezvemirongorongo yamazita amadzinza nokusawirirana nokuitirana nharo nezvomutemo nokuti hazvina chimuko kana maturo. Munhu anoparadzanisa vanhu ukamutsiura kamwechete kana kaviri, chirega kuva nechii zvacho chokuita naye. Zvinobva zvakuzivisa kuti munhu akadaro ahedhuka uye mutadzi akatozvipa mhosva.
Tito 3:9-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
asi unɀeŋge mibvunzo yoʋupenzi, namazita amadziteteguru, negakaʋa, nokukakaʋara pamsoro pomurairo, nokuti haɀinamaturo, haɀineɓasa. Munhu unodzidzisa ɀakatsauka, kana arairwa kamŋe norwecipiri, umurambe, ɀaunoziʋa kuti wakaɗaro wakatsauka, unotadza, waɀipa mhoȿa amene.
Tito 3:9-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)