Tito 2:7-8
Tito 2:7-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pazvinhu zvose iwe uvaratidze somuenzaniso nokuita zvakanaka. Pakudzidzisa kwako udzidzise zvakakwana, uchirevesa uye nokutaura kwakarurama kusingagoni kushorwa, kuitira kuti vaya vanokupikisa vanyadziswe nokuti havana chinhu chavangareva pamusoro pedu.
Tito 2:7-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
pazvinhu zvose iwe umene uvaratidze makwara amabasa akanaka; uve nokusakanganisa pakudzidzisa, nomugariro unokudzwa, nokutaura kwakarurama, kusingagoni kushoorwa, kuti anopesana nesu anyadziswe, asina chinhu chakaipa chaangareva pamusoro pedu.
Tito 2:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mune zvinhu zvose, iwe pachako vape muenzaniso wezviito zvakanaka uye mukudzidzisa kwako varatidze kuva pachokwadi uine chiremera nechidzidziso chakakwana chisina chingatsoropodzwe kuti vanopikisana newe vanyare vasina chakaipa chavangataure nezvedu.
Tito 2:7-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
paɀinhu ɀose iwe umene uʋaratidze makwara amaɓasa akanaka; uʋe nokusakaŋganisa pakudzidzisa, nomugarire unokudzwa, nokutaura kwakarurama, kusiŋgagoni kushoʋorwa, kuti unopesana nesu anyadziswe, asinecinhu cakaipa caaŋgareʋa pamsoro peɗu.
Tito 2:7-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)