Tito 2:11-13
Tito 2:11-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti nyasha dzaMwari dzinouyisa ruponeso dzakaratidzwa kuvanhu vose. Dzinotidzidzisa kuti tirambe zvinhu zvisina umwari nokuchiva kwenyika, uye tirarame upenyu hwokuzvidzora, hwokururama uye hwoumwari munguva ino, takamirira tariro yakaropafadzwa, kuonekwa kwokubwinya kwaMwari wedu mukuru noMuponesi, Jesu Kristu
Tito 2:11-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti nyasha dzaMwari dzakaonekwa, dzinovigira vanhu vose kuponeswa, dzichitidzidzisa isu kuti tirambe kusanamata Mwari nokuchiva zvenyika, tirarame nokungwara, nokururama, nokunamata Mwari panguva ino, takatarira tariro inofadza, nokuonekwa kwokubwinya kwaMwari mukuru, noMuponesi wedu, Kristu Jesu
Tito 2:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chikonzero chacho ndechokuti nyasha dzaMwari dzakaratidzwa pachena kuti vanhu vose vaponeswe dzichitidzidzisa kusiyana nezvisina chitendero nehavi dzezvenyika uye kuti tigare upenyu hokuzvibata huri pachokwadi hune chitendero panyika pano tichimirira chitarisiro chedu chine rufaro chokuoneka kwembiri kwaMwari wedu mukuru nomununuri wedu Jesu Kristu.
Tito 2:11-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti nyasha dzaMŋari dzakaʋonekwa, dzinoʋigira ʋanhu ʋose kuponeswa, dzicitidzidzisa isu kuti tirambe kusanamata Mŋari nokuciʋa ɀenyika, tirarame nokuŋgwara, nokururama, nokunamata Mŋari paŋguʋa ino, takatarira tariro inofadza, nokuʋonekwa kwokubginya kwaMŋari mukuru, noMuponesi weɗu, Kristu Jesu
Tito 2:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)