Tito 2:1-5
Tito 2:1-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Unofanira kudzidzisa zviri maererano nedzidziso yakarurama. Dzidzisa varume vakuru kuti vave vanozvibata, vakafanira kukudzwa, vanozvidzora, uye vakarurama mukutenda, murudo nomukutsungirira. Saizvozvowo, dzidzisa vakadzi vakuru kuti vave nomufambiro wakafanira, vasingacheri, kana kuda waini zhinji, asi kuti vadzidzise zvakanaka. Uye kuti vadzidzise vakadzi vaduku kuti vade varume vavo navana vavo, kuti vave vanozvidzora uye vakachena, vanoshanda kumba, vave vanyoro uye kuti vazviise pasi pavarume vavo, kuitira kuti pashayikwe angazvidza shoko raMwari.
Tito 2:1-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino iwe, taura zvakafanira, dzidziso yakarurama. Varume vakuru ngavave vakasvinuka, vanokudzwa, vakangwara, vakarurama pakutenda, naparudo, napakutsungirira; saizvozvowo vakadzi vakuru, ngavave nomufambire wakafanira vatsvene, vasingacheri, kana kuda waini zhinji, asi vave vadzidzisi vezvakanaka; kuti vadzidzise vakadzi vaduku, kuti vade varume vavo, nokuda vana vavo, vave vakangwara, vakachena, vanochengeta mhuri, vanyoro, vanozviisa pasi pavarume vavo, kuti shoko raMwari rirege kumhurwa.
Tito 2:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chako iwe kudzidzisa chidzidziso chinovaka. Taurira varume vakuru kuti vazvibate pakunwa, vave vanokudzikana, vakangwara vane chitendero kwacho vave norudo kwaro nemwoyo mumwechete. Taurira vakadzi vakuru kuti vave vakatsiga vasina makuhwa kana kuva varanda vedoro; vanofanira kudzidzisa zvinhu zvakanaka, nenzira iyoyo vagodzidzisa madzimai echidiki kuda varume vavo navana vavo vakangwara vari vatsvene, vanochengeta dzimba dzavo, vano mutsa vanoteerera varume vavo kuti shoko raMwari rirege kushorwa.
Tito 2:1-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino iwe, taura ɀakafanira dzidziso yakarurama. Ʋarume ʋakuru ŋgaʋaʋe ʋakaȿinuka, ʋanokudzwa, ʋakaŋgwara, ʋakarurama pakutenda, naparuɗo, napakutsuŋgirira; saiɀoɀo ʋo ʋakadzi ʋakuru ŋgaʋaʋe nomufambire wakafanira ʋatȿene, ʋasiŋgaceri, kana kuɗa waini zhinji, asi ʋaʋe ʋadzidzisi ʋeɀakanaka; kuti ʋadzidzise ʋakadzi ʋaɗuku, kuti ʋaɗe ʋarume ʋaʋo, nokuɗa ʋana ʋaʋo, ʋaʋe ʋakaŋgwara, ʋakacena, ʋanoceŋgeta imba, ʋanyoro, ʋanoɀiisa pasi paʋarume ʋaʋo, kuti shoko raMŋari rirege kumhurwa.
Tito 2:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)