Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 8:6
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 8:6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndishoŋge secisimbiso pamŋoyo pako, Secisimbiso paruʋoko rwako; Nokuti ruɗo runesimba sorufu; Goɗo rinokuʋadza seSheori; Kupisa kwaro ndiko kupisa kwomŋoto, Muraɀo caiwo waJehova.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 8:6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndiise pamwoyo pako sechisimbiso, sechisimbiso paruoko rwako; nokuti rudo rwakasimba sorufu, godo rarwo seguva harishanduki. Runopisa serimi romoto, somurazvo mukuru kwazvo.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 8:6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndishonge sechisimbiso pamwoyo pako, Sechisimbiso paruoko rwako; Nokuti rudo rune simba sorufu; Godo rinokuvadza seSheori; Kupisa kwaro ndiko kupisa kwomoto, Murazvo chaiwo waJehovha.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 8:6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndiite sechidhindo pamwoyo wako sechidhindo paruoko rwako nokuti rudo rwakasimba sorufu, shanje ino utsiye seguva kuvaima kwayo kuvaima kwemoto, moto chaiwo unoririma.