Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 8:1-14
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 8:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Dai chete wakanga uri sehanzvadzi kwandiri, akanwa pamazamu amai vangu! Ipapo kana ndaikuwana panze, ndaikutsvoda uye hapana aizondishora. Ndaizokutora ndouya newe kumba kwamai vangu, ivo vakandidzidzisa. Ndaikupa waini yakaiswa zvinonhuhwira kuti unwe, nomukume wemitamba yangu. Ruoko rwake rworuboshwe rwuri pasi pomusoro wangu, uye ruoko rwake rworudyi rwakandimbundikira. Imi vanasikana veJerusarema ndinokurayirai: Musazunguza kana kumutsa rudo kusvikira irwo rwada rwoga. Ndianiko uyo ari kuuya achibva kurenje akazendamira pamudiwa wake? Pasi pomuti womuapuro ndakakumutsa; ipapo mai vako vakakubereka, ipapo ivo vairwadziwa vakakubereka. Ndiise pamwoyo pako sechisimbiso, sechisimbiso paruoko rwako; nokuti rudo rwakasimba sorufu, godo rarwo seguva harishanduki. Runopisa serimi romoto, somurazvo mukuru kwazvo. Mvura zhinji haigoni kudzima rudo; nzizi hadzigoni kurukukura. Kunyange munhu akapa pfuma yose yemba yake kuti awane rudo, zvingazvidzwa chose. Tine hanzvadzi yedu duku uye mazamu ake haasati akura. Tichaitireiko hanzvadzi yedu pazuva rokukumbirwa kwayo kuti iwanikwe? Kana ari rusvingo, tichavaka shongwe dzesirivha paari. Kana ari musuo, tichamukomberedza namapuranga omusidhari. Ndiri rusvingo, mazamu angu akaita seshongwe. Ndizvo zvandava pamberi pake, somunhu anouyisa kugutsikana. Soromoni aiva nomunda wemizambiringa muBhaari Hamoni; akapa munda wake wemizambiringa kuvanhu vairima vachimuripira. Mumwe nomumwe wavo pachibereko chawo aiuya namashekeri chiuru esirivha. Asi munda wangu wemizambiringa ndewangu kuti ndiupe; chiuru chamashekeri esirivha ndechako, iwe Soromoni, asi mazana maviri ndeevanochengeta michero yawo. Iwe unogara mumapindu unoshandirwa neshamwari, rega ndinzwe inzwi rako! Handei mudiwa wangu, uite semhara kana setsvana pamusoro pamakomo azere zvinonhuhwira.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 8:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Aiwa, dai wakanga wakaita sehanzvadzi yangu, Akamwa mazamu amai vangu! Dai ndakuwana panze, ndingadai ndakutsvoda; Zvirokwazvo, hakuna aindishora. Ndaienda newe, ndikakuisa mumba mamai vangu, Ivo vandidzidzise; Ndaikupa waini yakavhenganiswa nezvinonhuwira kuti uinwe, Nomukumbi wamatamba angu. Ruoko rwake rworuboshwe ngaruve pasi pomusoro wangu, Ruoko rwake rworudyi ngarundimbundikire. Ndinokupikirai, imi vakunda veJerusaremu, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa rudo, Kusvikira irwo rwada rumene. Ndianiko uyo anokwira achibva kurenje, Akasendamira pamudiwa wake? Pasi pomuapuri ndipo pandakakumutsa; Ndipo pakakutamburira mai vako, Ndipo pavakakutamburira, ivo vakakubereka. Ndishonge sechisimbiso pamwoyo pako, Sechisimbiso paruoko rwako; Nokuti rudo rune simba sorufu; Godo rinokuvadza seSheori; Kupisa kwaro ndiko kupisa kwomoto, Murazvo chaiwo waJehovha. Mvura zhinji haigoni kudzima rudo; Nzizi hadzingarubitirisi; Kunyange munhu akapa pfuma yose yeimba yake kuti awane rudo, Angazvidzwa chose. Tine chinun'una, Chigere kuva namazamu; Tichadiniko nechinun'una chedu Nezuva raachakumbirwa? Kana ari rusvingo, Tichavaka pamusoro pake kashongwe kwesirivha; Kana ari mukova, Tichamukomberedza namapuranga emisidhari. Ini ndaiva rusvingo, mazamu angu akaita shongwe dzarwo; Panguva iyo ndakava pamberi pake somunhu akawana rugare. Soromoni akanga ano munda wemidzambiringa paBhaarihamoni; Akaisa munda uyo kuvatariri; Mumwe nomumwe aifanira kumuvigira masirivha ane gumi ramazana pamusoro pezvibereko zvawo. Munda wangu wemidzambiringa, iwo wangu, uri pamberi pangu; Iwe Soromoni, uchapiwa gumi ramazana, Navanochengeta zvibereko zvawo vachapiwa mazana maviri. Iwe, unogara muminda, Shamwari dzako dzinoteerera izwi rako; Nditendere ini ndirinzwewo. Kurumidza, mudiwa wangu, Uve semharapara kana mwana wenondo Pamusoro pamakomo ezvinonhuwira.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 8:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Dai iwe kwandiri uri sehanzvadzi uri wakayamwa pazamu ramai vangu. Dai kuri kuti ndinokuona kunze ndaikutsvoda. Uye hapana aimbondishora. Ndaienda newe kumba kwaamai vangu, mumba maiye akandibereka. Ndaikupa waini ino tunonhuwirira kuti umwe, muto wamapomegiraniti angu. Dai ruoko rwake rweruboshwe ruri pasi pamusoro wangu rudyi rwake rwakandigumbatira zvarwo. Ndinokukomeresai imi vanasikana veJerusaremu kuti musatirimutse kana kumutsa havi dzorudo nguva yacho isati yasvika. Ndiani uyo ari kuuya achibva kurenje akazendamira pana chido chemwoyo wake. Pasi pomuti wemuapuru ndakakumutsa, ipapo amai vako vaiva panguva yokusununguka ivo vakakubereka vaiva pahata. Ndiite sechidhindo pamwoyo wako sechidhindo paruoko rwako nokuti rudo rwakasimba sorufu, shanje ino utsiye seguva kuvaima kwayo kuvaima kwemoto, moto chaiwo unoririma. Mvura zhinji zvayo haikwanisi kudzimura rudo. Kunyange mapopopo emvura haagoni kunyudza rudo. Kunyange munhu akati regai nditsinhanise rudo nokupa upfumi hwose hwomusha wake zvinonyatsoshorwa. Tine kahanzvadzi kedu kaduku asi hakana mazamu. Tichaitei nehanzvadzi yakadai pazuva raanopfimbwa. Dai kuri kuti madziro, taivaka chokuzvidzivira nacho muhondo chesirivha kana dai kuri kuti igonhi, taimuvakirira namapuranga esidha. Ini ndiri chidziro, mazamu angu akaita seshongwe kwaari, ndiri chigadzanisa mwoyo. Soromoni aiva nomunda wamagirepisi kuBharihamoni. Akaisako vanhu vokuuchengeta, mumwe nomumwe aifanira kuunza muchero unoita churu chemari yesirivha. Asi munda wangu wemagirepisi ndowangu ini pachangu. Iwe Soromoni ungava zvako nechuru chemari yesirivha iyoyo vachengeti vayo vachiwana zvavo mazana maviri. Iwe unogara mumapindu, shamwari dzangu dziri kuteerera izwi rako. Rega ndirinzwewo zvangu. Mhanya mudiwa wangu uite semhara kana setsvana yemhene pamakomo etwokubikisa tunonhuwirira.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 8:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Haiwa, ɗai wakaŋga wakaita sehanɀadzi yaŋgu, Wakamna mazamu amai ʋaŋgu! Ƌai ndakuwana panze, ndiŋgaɗai ndakuȿeta; Ɀirokwaɀo, hakuna‐waindishoʋora. Ndaienda newe, ndikakuisa mumba mamai ʋaŋgu, Iʋo ʋandidzidzise; Ndaikupa waini yakaveŋganiswa neɀinonhuwira kuti uinwe, Nomukumbi wamatamba aŋgu. Ruʋoko rwake rworuɓoshwe ŋgaruʋe pasi pomusoro waŋgu, Ruʋoko rwake rworudyi ŋgarundimbundikire. Ndinokupikirai, imi ʋakunda ʋeJerusarema, Kuti murege kupfutidza kana kumutsa ruɗo, Kuȿikira irwo rwaɗa rumene. Ndianiko uyo unokwira acibva kurenje, Akasendamira pamuɗiwa wake? Pasi pomuapuri ndi’po pandakakumutsa; Ndi’po pakakutamburira mai ʋako, Ndi’po paʋakakutamburira, iʋo ʋakakuɓereka. Ndishoŋge secisimbiso pamŋoyo pako, Secisimbiso paruʋoko rwako; Nokuti ruɗo runesimba sorufu; Goɗo rinokuʋadza seSheori; Kupisa kwaro ndiko kupisa kwomŋoto, Muraɀo caiwo waJehova. Mvura zhinji haigoni kudzima ruɗo; Nzizi hadziŋgaruɓitirisi; Kunyaŋge munhu akapa fuma yose yeimba yake kuti awane ruɗo, Uŋgaɀidzwa cose. Tinecinuŋuna, Cigere kuʋa namazamu; Ticaɗiniko necinuŋuna ceɗu Nezuʋa raacakumbirwa? Kana ari ruȿiŋgo, Ticaʋaka pamsoro pake kashoŋgwe kwesirveri; Kana ari mukoʋa, Ticamukomberedza namapuraŋga emisidari. Ini ndaiʋa ruȿiŋgo, mazamu aŋgu akaita shoŋgwe dzarwo; Paŋguʋa iyo ndakaʋa pamberi pake somunhu wakawana rugare. Soromoni wakaŋga anomunda wemizambiriŋga paBaari‐hamoni; Wakaisa munda uyo kuʋatariri; Mumŋe nomumŋe waifanira kumuʋigira masirveri anegumi ramazana pamsoro peɀiɓereko ɀawo. Munda waŋgu wemizambiriŋga, iwo waŋgu, uri pamberi paŋgu; Iwe Soromoni, ucapiwa gumi ramazana, Naʋanoceŋgeta ɀiɓereko ɀawo ʋacapiwa mazana maʋiri. Iwe, unogara muminda, Shamŋari dzako dzinoterera inzwi rako; Nditendere ini ndirinzwe ʋo. Kurumidza, muɗiwa waŋgu, Uʋe semharapara kana mŋana wenondo Pamsoro pamakomo eɀinonhuwira.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 8:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)