Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 2:11-13
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 2:11-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Tarira! Nguva yechando yapera; mvura yapera; uye haichanayi. Maruva oonekwa panyika; nguva yokuimba yasvika, kurira kwenjiva kwonzwikwa munyika yedu. Muonde wobereka michero yawo yokutanga; uye mizambiringa yotunga maruva ayo anonhuhwira kwazvo. Simuka, uya, mudiwa wangu; munakunaku wangu, uya tiende tose.”

Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 2:11-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti, tarira, chando chaenda; Mvura yapera, yaenda; Maruva aonekwa panyika; Nguva yokurira kweshiri yasvika, Nezwi renjiva rinonzwika panyika yedu. Muonde woibvisa maonde awo mambishi, Uye midzambiringa yotunga maruva; Yobudisa kunhuwira kwawo; Simuka, shamwari yangu, akanaka wangu huya!
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 2:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Nguva yechando yapfuura mvura yokunaya yapera, uye yaenda. Maruva abuda panyika nguva yokuimba yasvika kurira kwenjiva kwava kunzwika munyika medu. Muonde wavakubereka maonde, migirepisi yava namaruva ari kunhuwirira. Simuka chido chemwoyo wangu uya zvako tsvarakadenga yangu.
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 2:11-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti, tarira, cando caenda; Mvura yapera, yaenda; Maruʋa oʋonekwa panyika; Ŋguʋa yokurira kweshiri yaȿika, Nenzwi renjiʋa rinonzwika panyika yeɗu. Muʋonde woibvisa maʋonde awo mambishi, Ʋuye mizambiriŋga yotuŋga maruʋa; Yoɓuɗisa kunhuwira kwawo; Simuka, shamŋari yaŋgu, wakanaka waŋgu, ʋuya!
Rwiyo Rukuru rwaSoromoni 2:11-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)