:1-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kunaka here ikoko kwakaita dandanakutanda rakakukutara mbiri zvayo chaiyo yokumusorosoro. Zuva rinoti vhu–u kubuda, rinokwira richiparidza kuti: “Iro chinhu chake chokusevenzesa chinokatyamadza, rakaitwa naiye Wokumusorosoro.” Kana ava masikati makuru rinoomesa nyika; ndiani asingatumhiswi nokupisa kwaro kwakanyanya? Vira rinotoda kupfutidzwa nemvuto kuti ripisise asi kupisa kwezuva kwarinoita makomo kwakapetwa katatu. Mweya warinofema moto, kutaima kwaro kunopofomadza maziso. Iye Mwari akarisika mukuru, kana arituma rinochimbidza kutevera gwara raro.
Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu