Svetukira kuzviri mukati

Rute 4:6 - Enzanisa Shanduro Dzose

Rute 4:6 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Uye hama yapedyo, mudzikinuri akati, “Kana zvakadaro handingagoni kuudzikinura nokuti ndingazokanganisa nhaka yanguwo. Chiutenga iwe pachako. Ini handikwanisi kuzviita.”

Rute 4 BDSC

Rute 4:6 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Hama iyo yomumba ikati, “Handigoni kuzvidzikinurira uyo, kuti ndirege kutadzira nhaka yangu, chitora hako iwe simba rangu rokudzikinura, nokuti ini handigoni kuudzikinura.”

Rute 4 SNA2002

Rute 4:6 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Hama iyo yomumba ikati: Handigoni kuɀidzikinurira uyo, kuti ndirege kutadzira nhaka yaŋgu; citora hako iwe simba raŋgu rokudzikinura, nokuti ini handigoni kuudzikinura.

Rute 4 SUB1949

Rute 4:6 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Hama yake iya muridzi wenhaka ndokuti, “Kana zvakadaro handichakwanisa kuununura nokuti ndingazokanganisa nhaka yavana vangu. Ununure zvako iwe, ini handichakwanisa kuununura.”

Rute 4 SCLB

Rute 4:6 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Hama yake iya muridzi wenhaka ndokuti, “Kana zvakadaro handichakwanisa kuununura nokuti ndingazokanganisa nhaka yavana vangu. Ununure zvako iwe, ini handichakwanisa kuununura.”

Rute 4 SCLBD