Rute 2:8 - Enzanisa Shanduro Dzose
Rute 2:8 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka Bhoazi akati kuna Rute, “Chinzwa, mwanasikana wangu. Usaenda kunonongera uri kuno mumwe munda uye usaenda kure uchibva pano. Gara pano navashandi vangu vechisikana ava.
Rute 2:8 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Bhoazi akati kuna Rute, “Chinzwa hako, mwanasikana wangu. Usandounganidza kunomumwe munda, uye usabva pano, asi urambire pano kuvasikana vangu.
Rute 2:8 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ipapo Boazi akati kunaRute: Cinzwa hako, mŋanasikana waŋgu. Usandoʋuŋganidza kunomumŋe munda, ʋuye usabva pano, asi urambire pano kuʋasikana ʋaŋgu.
Rute 2:8 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Bhoazi akati kuna Rute, “Chinzwa mwanangu, chirega zvako kuzvinetsa nokusweroenda kundofuhwa kune mimwe minda, asi ramba wakati kwati navasikana ava.
Rute 2:8 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Bhoazi akati kuna Rute, “Chinzwa mwanangu, chirega zvako kuzvinetsa nokusweroenda kundofuhwa kune mimwe minda, asi ramba wakati kwati navasikana ava.