Skip to content
Logo yeApp yeBhaibheri

Rute 2:7 - Enzanisa Shanduro Dzose

Rute 2:7 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Ati, ‘Ndapota nditenderei kunongera ndichiunganidza pakati pezvisote ndiri mushure mavacheki.’ Abva aenda mumunda akashanda nesimba kubva mangwanani kusvikira zvino, kunze kwenguva pfupi yaazorora ari mudumba iro.”

Pakurirana nevamwe
Rute 2 BDSC

Rute 2:7 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

iye akati, ‘Nditendereiwo ndiunganidze, ndinonge shure kwavacheki pakati pezvisote,’ naizvozvo akauya, akaswerapo kubva mangwanani kusvikira zvino, asi wakagara mumba nguva duku.”

Pakurirana nevamwe
Rute 2 SNA2002

Rute 2:7 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

iye akati: Nditenderei ʋo ndiʋuŋganidze, ndinoŋge shure kwaʋaceki pakati peɀisote; naiɀoɀo akaʋuya, akaswera’po kubva maŋgwanani kuȿikira ɀino; asi wakagara mumba ŋguʋa ɗuku.

Pakurirana nevamwe
Rute 2 SUB1949

Rute 2:7 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

akati, ‘Mungandibvumirewo here kufuhwa zvangu ndichitevera panenge pabva vakohwi, napane zvisote.’ Saka auya akashanda kubvira mangwanani-ngwanani kusvikira iye zvino, angozorora kwekanguva kaduku mudumba umo.”

Pakurirana nevamwe
Rute 2 SCLB

Rute 2:7 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

akati, ‘Mungandibvumirewo here kufuhwa zvangu ndichitevera panenge pabva vakohwi, napane zvisote.’ Saka auya akashanda kubvira mangwanani-ngwanani kusvikira iye zvino, angozorora kwekanguva kaduku mudumba umo.”

Pakurirana nevamwe
Rute 2 SCLBD