Skip to content
Logo yeApp yeBhaibheri

Rute 2:4 - Enzanisa Shanduro Dzose

Rute 2:4 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Panguva iyoyo Bhoazi akasvika achibva kuBheterehema ndokukwazisa vacheki achiti, “Jehovha ave nemi!” Ivo vakapindura vachiti, “Jehovha akuropafadzei!”

Pakurirana nevamwe
Rute 2 BDSC

Rute 2:4 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino wonei, Bhoazi wakabva Bheterehemu, akati kuvacheki, “Jehovha ave nemi.” Ivo vakapindura, vakati kwaari, “Jehovha akuropafadzeiwo.”

Pakurirana nevamwe
Rute 2 SNA2002

Rute 2:4 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino ʋonei, Boazi wakabva Beti‐rehemi, akati kuʋaceki: Jehova aʋe nemi. Iʋo ʋakapindura, ʋakati kwaari: Jehova akuropafadzei ʋo.

Pakurirana nevamwe
Rute 2 SUB1949

Rute 2:4 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Ndiyo nguva yakabva yasvikawo Bhoazi achibva kuBheterehemu. Akakwazisa vakohwi ivava achiti, “Tenzi ngaave nemi!” Ivo vakatiwo, “Tenzi ngaakukomborereiwo!”

Pakurirana nevamwe
Rute 2 SCLB

Rute 2:4 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Ndiyo nguva yakabva yasvikawo Bhoazi achibva kuBheterehemu. Akakwazisa vakohwi ivava achiti, “Tenzi ngaave nemi!” Ivo vakatiwo, “Tenzi ngaakukomborereiwo!”

Pakurirana nevamwe
Rute 2 SCLBD