Rute 2:21-23
Rute 2:21-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ipapo Rute muMoabhu akati, “Abva ati kwandiri, ‘Gara navashandi vangu kusvikira vapedza kucheka zviyo zvangu zvose.’ ” Naomi akati kuna Rute muroora wake, “Zvichava zvakanaka kwauri mwanangu, kuti uende navasikana vake, nokuti ukaenda mumunda womumwe ungazokanganiswa.” Saka Rute akagara pedyo navasikana vaishandira Bhoazi achinongera kusvikira kuchekwa kwegorosi nebhari kwapera. Uye iye akagara navamwene vake.
Rute 2:21-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Rute muMoabhu akati, “Hongu, wakati kwandiri, ‘Unofanira kurambira kumajaya angu, kusvikira vapedza kucheka zvose zvangu.’ ” Naomi akati kuna Rute, mukadzi womwana wake, “Zvakanaka mwana wangu, kuti uende navasikana vake, urege kuonekwa kune mumwe munda.” Naizvozvo akarambira kuvasikana vaBhoazi, akaunganidza kusvikira pakupera kwokuchekwa kwebhari nokuchekwa kwezviyo; akagara navamwene vake.
Rute 2:21-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Rute muMoabhu uyu akati, “Murume iyeyo anditiwo, ‘Ramba wakati kwati navashandi vangu kusvikira vapedza kukohwa mbesanwa dzangu dzose.’ ” Naomi akataurira muroora wake Rute achiti, “Zviri nani mwanangu kuti ushande navasikana vanomushandira ivavo nokuti ukaenda kumunda mumwewo, kungadaro kukawana chakaipa chingaitwe kwauri.” Naizvozvo Rute akaramba achifuhwa akati kwati navasikana vaimushandira vacho kudzamara vapedza kukohwa bhari nekoroni, iye achigara zvake navamwene vake.
Rute 2:21-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Rute muMoabi akati: Hoŋo, wakati kwandiri: Unofanira kurambira kumajaya aŋgu, kuȿikira ʋapedza kuceka ɀose ɀaŋgu. Naome akati kunaRute, mukadzi womŋana wake: Ɀakanaka mŋana waŋgu, kuti uende naʋasikana ʋake, urege kuʋonekwa kunomumŋe munda. Naiɀoɀo akarambira kuʋasikana ʋaBoazi, akaʋuŋganidza kuȿikira pakupera kwokucekwa kwebari nokucekwa kweɀiyo; akagara naʋamŋene ʋake.
Rute 2:21-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)