VaRoma 8:3-4
VaRoma 8:3-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti zvakanga zvisingakwaniswi kuitwa nomurayiro pakushayiswa simba kwawo nomunhu wechivi, Mwari akazviita nokutuma Mwanakomana wake mumufananidzo wemunhu wechivi kuti ave chipiriso chechivi. Uye akapa mhosva kuchivi chiri mumunhu wechivi, kuitira kuti kururama kunodiwa nomurayiro kuzadziswe matiri, isu tisingafambi maererano nenyama asi maererano noMweya.

VaRoma 8:3-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti, zvakanga zvisingakwaniswi nomurayiro, pakushaiwa kwawo simba nokuda kwenyama, Mwari pakutuma kwake Mwanakomana wake nomufananidzo wenyama yezvivi, nokuda kwezvivi, akapa mhosva zvivi zviri munyama; kuti zvakarehwa nomurayiro zviitike matiri, isu tisingafambi nenyama, asi nomweya.
VaRoma 8:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari, nokutumira kwaakaita mwana wake pachake akafanana navanhu venyama uye sechibayiro chezvitadzo, akaita zvisina kukwanisika kuitwa nomutemo pamusana poutera hwavanhu, zvokuti akatongera chitadzo chiri muvanhu mhosva yokuparadzwa. Izvi zvakaitirwa kuti zviri pamwero zvinodiwa nomutemo zvizadzikiswe matiri isu tisingagari upenyu hwenyama asi upenyu hwomweya
VaRoma 8:3-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti, ɀakaŋga ɀisiŋgakwaniswi nomurairo, pakushaiwa kwawo simba nokuɗa kwenyama, Mŋari pakutuma kwake Mŋanakomana wake nomufananidzo wenyama yeɀiʋi, nokuɗa kweɀiʋi, wakapa mhoȿa ɀiʋi ɀiri munyama; kuti ɀakarebga nomurairo ɀiitike matiri, isu tisiŋgafambi nenyama, asi nomŋeya.
VaRoma 8:3-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)