VaRoma 8:28-30
VaRoma 8:28-30 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye tinoziva kuti muzvinhu zvose Mwari anoita kuti zviitire zvakanaka kuna avo vanomuda, vaya vakadanwa sezvaakafunga. Nokuti avo Mwari vaakaziva kare, ndivo vaakatemerawo kare, kuti vafanane nomufananidzo woMwanakomana wake, kuti agova dangwe pakati pehama dzake zhinji. Uye vaya vaakatemera kare, ndivo vaakadanawo; vaya vaakadana, ndivo vaakaruramisirawo; vaya vaakaruramisira, ndivo vaakakudzawo.
VaRoma 8:28-30 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Tinoziva kuti zvinhu zvose zvinobatirana kuti zviitire zvakanaka avo vanoda Mwari, avo vakadanwa sezvaakafunga. Nokuti vaakaziva kare, ndivo vaakatemerawo kare, kuti vafanane nomufananidzo woMwanakomana wake, kuti ave dangwe pakati pehama zhinji; avo vaakatemera kare, ndivo vaakadanawo; vaakadana, ndivo vaakaruramisawo; vaakaruramisa, ndivo vaakakudzawo.
VaRoma 8:28-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tinozivawo kuti muna zvose, Mwari anoshanda kuti zvinakire vanhu vanomuda, vaya vakadaidzwa maererano nezviri pamwoyo pake nokuti avo vaakafanoziva akafanovarongera kuti vatodzane nechimiro choMwanakomana wake, kuti Mwanakomana iyeyo ave dangwe rehama dzake zhinji. Avo vaakafanoziva akavadaidzawo. Vaakadaidza ivavo akavaruramisa. Navavo vaakaruramisa akavapa mbiri.
VaRoma 8:28-30 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tinoziʋa kuti ɀinhu ɀose ɀinoɓatirana kuti ɀiitire ɀakanaka aʋo ʋanoɗa Mŋari, aʋo ʋakaɗanwa seɀaakafuŋga. Nokuti ʋaakaziʋa kare, ndiʋo ʋaakatemera ʋo kare, kuti ʋafanane nomufananidzo woMŋanakomana wake, kuti aʋe ɗaŋgwe pakati pehama zhinji; aʋo ʋaakatemera kare, ndiʋo ʋaakaɗana ʋo; ʋaakaɗana, ndiʋo ʋaakaruramisa ʋo; ʋaakaruramisa, ndiʋo ʋaakakudza ʋo.
VaRoma 8:28-30 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)