VaRoma 8:20-22
VaRoma 8:20-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti zvisikwa zvakaiswa pasi pokudzungaira kukuru, zvisingadi hazvo, asi nokuda kwaiye akazviisa pasi pokudzungaira, mutariro yokuti zvisikwa pachazvo zvichazosunungurwa kubva pauranda hwokuora uye zvigoiswa pakusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari. Tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinogomera sokurwadza kwokuzvara mwana kusvikira panguva ino.
VaRoma 8:20-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti zvisikwa zvakaiswa pasi pezvisingagari, zvisingadi hazvo, asi nokuda kwaiye wakazviisa pasi pazvo, zvichitarira kuti zvisikwa zvimene zvisunungurwewo pauranda hwokuora, zviiswe pakusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari. Nokuti tinoziva kuti zvisikwa zvose zvinogomera nokurwadziwa pamwechete kusvikira zvino.
VaRoma 8:20-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti zvisikwa zvakaitwa zvinhu pasina kwete nokuda kwazvo asi nokuda kwaiye akazviita kuti zvidaro asi chitarisiro chiripo. Chikonzero ndechokuti zvisikwa pachazvo zvichasunungurwa muuranda hwokuora zvichiwana rusununguko rune mbiri rwavana vaMwari. Tinoziva kuti zvisikwa zvose zvanga zvichigomera pamwechete mukurwadziwa kusvikira iye zvino.
VaRoma 8:20-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti ɀisikwa ɀakaiswa pasi peɀisiŋgagari, ɀisiŋgaɗi haɀo, asi nokuɗa kwaiye wakaɀiisa pasi paɀo, ɀicitarira kuti ɀisikwa ɀimene ɀisunuŋgurwe ʋo paʋuranda bgokuʋora, ɀiiswe pakusunuŋgurwa kwokubginya kwaʋana ʋaMŋari. Nokuti tinoziʋa kuti ɀisikwa ɀose ɀinogomera nokurwadziwa pamŋe cete kuȿikira ɀino.
VaRoma 8:20-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)